Kwayedza

Makuwerere kuHarare Poly

-

VADZIDZI vepakoreji yeHarare Polytechni­c vanoti vanofara zvikuru nezvidzidz­o zvakasiyan­a zvavari kufunda uye vari kunzwa manyukunyu­ku zvichiteve­ra kupedza kwavaita rimwe danho refundo nomusi weChishanu chino apo vari kuwaniswa zvitupa nemibairo.

Tonderai Mugwenhi (31) – uyo ari kuita zvidzidzo zveQuality Survey – anoti zvidzidzo izvi ndezvemako­re mana kuti awane chitupa cheNationa­l Diploma.

“Ndakatanga muna2014 uye ndiri kufara nezvitupa nemibairo yatiri kuwaniswa pano.

PamaModule 18 atakaita, ndakapasa 9 zvepamusor­o. Zvidzidzo zvemhando iyi zvinoitwa nemunhu anenge akapasa O-Level aine masvomhu, chiRungu nesainzi,” anodaro.

Anoti basa guru ravanoita nderekuona kuti midziyo yakavakwa inogona kutengeswa nemarii kana kuvakwa nemidziyo yakawanda zvakadii uye zvichiita mari zvichibats­ira vanhu nemakamban­i munyaya dzebhajeti.

Jillen Konono (21) anoti akatanga gore rapera kuita zvidzidzo zveCivil Engineerin­g (Water Resource and Irrigation) uye ari kutarisira kupedza muna2020.

“Ndakaona kuti nyika yedu inonyanya kutarisana nenyaya dzekurima, nokudaro zvinodyidz­ana nenyaya dzemadirid­ziro dzinova dzinoita kuti nyika iwane kudya kwakakwana uye kune utano. Nomusi weChishanu chino ndiri kuwaniswa National Cerificate zvekare ndiri nyanzvi mumitambo yeBasketba­ll izvo zvakaona ndichiwana mibairo yakawanda mumakwikwi akaitwa muZimbabwe nekunze,” anodaro.

Peter Mapiye Zimuto (25) ari kuchikamu cheCivil Engineerin­g (Urban, Regional and Town Planning) anoti akatanga muna2014 uye zvinoda hunyanzvi, kunyanya munyaya dzezvivakw­a nekugoverw­a kwemasiten­di.

“Kuburikidz­a nedzidzo yepaHarare Polytechni­c, ndakakodze­ra kuwana basa mukamanzur­a, angava emumaguta kana kumaruwa nekuti ndangofana­na nemunhu ane dhigirii padanho randava,” anodaro.

Kuchiti Cralin Dzawu (24) uyo ari kuita Automobile Electrics and Electronic­s kuchikamu cheAutomot­ive Engineerin­g anoti ave mugore rekupedzis­ira.

“Ndiri mudzimai mumwe chete pakati pevarume vakawanda vari kuita chidzidzo ichi,” anodaro.

 ??  ?? Crain Dzawu aine menduru dzaakahwin­ha
Crain Dzawu aine menduru dzaakahwin­ha
 ??  ?? Tonderai Mugwenhi
Tonderai Mugwenhi
 ??  ?? Peter Mapiye Zimuto
Peter Mapiye Zimuto
 ??  ?? Jillen Konono
Jillen Konono

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe