Kwayedza

. . . uyu akafa anwa muteuro

- Michael Magoronga ari kuKWEKWE

MUPOROFITA wekuKwekwe akasungwa nemapurisa mushure mukunge anwisa mumwe mukadzi muteuro waive wakasangan­iswa muto wemaremani, vhiniga, mafuta ekubikisa nemunyu zvikaita kuti afe.

Evelyn Madhara (28) wepanhamba 16128 Mbizo Section akatomiswa pamberi pemutongi wedare reKwekwe Magistrate Court, Mai Rosemary Dube, svondo rapera akatarisan­a nemhosva yekukonzer­a rufu rwemunhu.

Beatrice Masundire anonzi akafa mushure mekunwa muteuro waaive apihwa naMadhara.

Madhara ari kutongwa ari muchizarir­a uye anotarisir­wa kudzoka mudare iri svondo rinouya.

Muchuchusi Michelle Daraja anoti nemusi wa21 Nyamavhuvh­u, Masundire akaenda kumba kwaMadhara achitsvaga rubatsiro apo mudumbu make mairwadza.

Madhara anonzi akapa Masundire muteuro waive wakasangan­iswa muto wemaremani, vhiniga, mafuta ekubikisa nemunyu kuti anwe.

Paakanwa muteuro uyu, mushakabvu anonzi akatanga kurutsa nekuita tsvina yemanyoka yaive mvura-mvura.

Masundire akaendeswa kuchipatar­a cheKwekwe District Hospital uko akasvika achinzi akange atofa kare.

Mune imwe nyaya isingadyid­zane neiyi, murume ane makore 76 okuberekwa akamiswa pamberi pemutongi Dube achipomerw­a kutsotsa mumwe mushandi wemuchitor­o apo anonzi akamunyepe­ra kuti aive mushandi wekanzuru yeKwekwe ndokunyang­arika asina kubhadhara girosari raaive atora.

Stephan Mangena anogara kuZengeza 2, kuChitungw­iza, ari kupomerwa kutsotsa mushandi wemuchitor­o chiri munzvimbo yeKwekwe Long Distance Bus Terminus girosari rinokosha $240 uye ari kutongwa ari muchizarir­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe