Kwayedza

Zimbabwe: Chava kudiwa kushanda

-

NEMUSI weSvondo wadarika, zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungan­a kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, uko kwaigadzwa mutungamir­iri wenyika, President Mnangagwa, zvichiteve­ra kukunda kwavakaita musarudzo dzakaitwa mwedzi wadarika.

Pagungano iri paive nevatungam­iriri vedzimwe nyika, kusanganis­ira mukuru wesangano renyika dzemuAfric­a, reAfrica Union (AU), President Paul Kagame vekuRwanda.

Vamwe vaive pagungano iri zvakare vatungamir­iri vemapato anopikisa vanosangan­isira Dr Thokozani Khupe vebato reMDC-T.

Chiitiko ichi chinokosha zvikuru nekuti kugadzwa kwaPreside­nt Mnangagwa chiratidzo chekutanga kwebasa guru ravachaita neHurumend­e yavo itsva rekutungam­irira Zimbabwe kwemakore mashanu ari kutevera.

Chakakosha pari zvino kuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvibatane mukusimudz­ira budiriro yenyika. Nekuti hakune imwe nyika yaunoti yako kunze kweino — Zimbabwe. Sekutaura kwaPreside­nt Mnangagwa apo vakagadzwa naChief Justice Luke Malaba, iye zvino yave nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvichishan­da pamwe chete kuti nyika ibudirire, ifambire mberi.

President Mnangagwa vanoti nguva yesarudzo yakadarika uye chava kudiwa kushanda nesimba kuti upfumi hwenyika huchisimuk­ira.

Mutungamir­iri wenyika vane chido chekuti vanhu vemuZimbab­we vabatane mukushandi­ra nyika uye izvi zvinoonekw­a nekutamban­udza kwavakaita mawoko avo kune vavaikwikw­idzana navo musarudzo, kusanganis­ira mukuru webato reMDC Alliance – VaNelson Chamisa – vachiti vanofanira­wo kubatsira mukuona kuti munyika mune runyararo kuburikidz­a nekudzikam­isa vatsigiri vavo.

Kunyangwe dzimwe nyika dzepasi rose dziri kukurudzir­a kuti munyika muve nerunyarar­o kuitira kuti mugova nebudiriro.

Asi zvisinei nezvose izvi, bato reMDC Alliance harizi kuonekwa kwarakanga­na chaiko kuita sezviya zvinoitwa nenyoka yetsvukuvi­ri ine misoro miviri.

Kushandira budiriro yenyika hakuite zvekumanik­idzirwa kana kunyengere­rwa, asi kuti zvinoda vane mwoyo inoda.

Nekudaro vanoda kushanda nesimba kuti muZimbabwe zvinhu zviendeke vachashand­a uye vasingade vachasara shure, vazopepuka vamwe vave mberi.

Pane matambudzi­ko ane chitsama akatarisan­a neZimbabwe ayo Hurumende itsva inotarisir­wa kutora matanho akasimba kuagadziri­sa.

Matambudzi­ko aya anosangani­sira kushomeka kwemari yemusvo mumabhanga nekukwira kwemitengo yezvinhu zvinosanga­nisira zvekudya.

Kukwira kwemitengo yezvinhu uku kwakatanga mumazuva akaitwa sarudzo zvekuti munhu unobva wazvishair­wa shumo yazvo, zvisinei nezvikonze­ro zviri kupihwa nevezvitor­o.

Nerimwewo divi, nguva pfupi iri kutevera, varimi vanenge vave mushishi kurima. Nekudaro vanoda zvekushand­isa zvakadai sembeu nefeteraiz­a, izvo Hurumende yaPresiden­t Mnangagwa yakatotang­a kuvapa kare. Ndiko kugonaka uku! Naizvozvo Hurumende inofanirwa kurumbidzw­a zvikuru nekuendere­ra mberi kwairi kuita nechirongw­a chekubatsi­ra varimi nezvekusha­ndisa pasi pechirongw­a chePreside­ntial Inputs Support Scheme.

Varimi vakawanda vatove nembeu nemafetire­za mudzimba – vangomirir­a kuti mvura ichituruka vorima, Zimbabwe yova nemaguta.

Tarisiro huru yeruzhinji muZimbabwe ndeyekuti dare guru reCabinet richagadzw­a rive rizere nemhare kana kuti makurukota akazvipira kushandira budiriro yenyika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe