Kwayedza

Akapondwa anoona vana

- Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMujin­ga, kuHurungwe, anonzi akapondwa nechikomba cheaimbova mudzimai wake apo akanga aenda kunoona vana vake kumusha kwemukadzi uyu.

Bertrod Mutsawu (36) wemubhuku raChakaodz­a ari kunzi akapondwa naKasirai Madube (37) wemumusha waMurengwa, munzvimbo imwe chete iyi, apo vakarwisan­a chikomba ichi chaita shanje kuti murume wekuzofa ainge avingei pamusha apa.

Inspector Clemence Mabgweazar­a, avo vanova mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Polece kudunhu reMashonal­and West, vanoti nyaya iyi yakaitika manheru emusi wa18 Nyamavhuvh­u.

“Muchakabvu anonzi aiva akaroorana naRebase Kabvuma (26) uyo waaine vana vaviri naye.

Nemusi uyu, anonzi akaenda achida kunoona vana vake apo akanowana pamusha apa paine chikomba chemudzima­i uyu, Kasirai Madube, icho chisina kufara nekuuya kwake,” vanodaro.

Madube ane mudzimai wake nevana uye haana kuroora Kabvuma.

Chikomba ichi chinonzi chakatanga kunetsana naMutsawu apo chinonzi chakazomub­aya nebanga katatu pamusana nepachipfu­va.

“Murume uyu abaiwa kudaro, anonzi akaedza kutiza apo akamhanya chinhambwe chemamita 20 achibva apunzika mukati mechivanze ndokufa ipapo. Zvose izvi zvakaitika muma- ziso emukadzi airwirwa uyo anonzi akazomhany­a kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP ekuTen- gwe.

“Madube akabva asungwa ipapo uye ari kubatsira mapurisa mukuferefe­twa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mabgweazar­a.

Mutumbi waMutsawu wakazoende­swa kuimba yerunyarar­o yechipatar­a cheKaroi. Insp Mabgweazar­a vanoti semapurisa, vanokurudz­ira vanhu kuti vatauriran­e pasina kurwisana kana kupopotedz­ana kana kutsvaga vayananisi kana paita kusawirira­na.

 ??  ?? Vanhu vaiona mutumbi waBertrod Mutsawu apo wakange woendeswa kuimba yerunyarar­o kuchipatar­a cheKaroi.
Vanhu vaiona mutumbi waBertrod Mutsawu apo wakange woendeswa kuimba yerunyarar­o kuchipatar­a cheKaroi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe