Kwayedza

Akabaya mwana ‘waboss’ nebanga

- Kingstone Mapupu

MURUME wekutsvaga basa remaricho pane mumwe musha mubhuku raNyarenda Village 2, kuHurungwe, akazoguma oda kubata chibharo mwanasikan­a wepo uyo waakazobay­a nebanga akakuvara zvikuru apo aimurwisa.

Nyaya iyi yakaitika paPlot number 39 kuMlichi munguva pfupi yadaika.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanoti murume uyu aigara achipihwa mabasa emaricho pamusha uyu.

Musi uyu, zvinonzi murume uyu akadarika achitsvaga basa apo akabvumira­na nevabereki vemwanasik­ana waakabaya kuti arare pamusha pavo agozomukir­a kushanda basa zuva rechimangw­ana racho.

“Tine murume anonzi Shingirira­i Mudzi (27) wekuKasimh­ure Village 1 uyo ari kutsvagwa nemapurisa edu ekuKaroi nenyaya yekuedza kubata mwanasikan­a chibharo uyewo nekuzomuch­eka nebanga. Murume uyu akapara mhosva iyi pamba paaiva aenda achida basa remaricho,” vanodaro.

Zvinonzi murume uyu akasvika pamba apa nenguva dza4 zuva rodoka achiti aidawo basa vakawirira­na kuti ararire pamusha uyu agomukira kushanda. Mudzi anonzi akapihwa imba yekurara yaive padyo neinorara mwanasikan­a wepo.

“Nenguva dzekuma8 husiku, baba naamai vepo vakanorara apo murume uyu akaenda kubhawa pataundish­ipi iri padyo.

‘‘Akadzoka ndokusviko­pindira mwanasikan­a uyo aiva arere oga muimba yekubikira,” vanodaro. Vabereki vemwana uyu vanonzi vakazonzwa ave kuridza mhere kuma1 mambakwedz­a ndokumuka.

Vakasvikow­ana murume uyu aine banga, atobaya mwana- sikana uyu pagurokuro, kugotsi nepamaoko ose.

Zvinonzi akabaya musikana uyu nebanga nekuti airamba kuita bonde naye.

Murume uyu akabva atiza uye ari kuvhimwa nemapurisa. Musikana uyu akazoendes­wa kuchipatar­a cheKaroi ndokusviko­darikidzwa kuParireny­atwa Group of Hospitals uko ari kurapwa.

Insp Mabgweazar­a vanoyambir­a vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vavachenge­tedze.

Vanoti kune vanoziva kuna Mudzi ngavazivis­e mapurisa ari padyo navo.

 ??  ?? Insp Mabgweazar­a
Insp Mabgweazar­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe