Kwayedza

Akafira ‘snooker’

- Kingstone Mapupu

MUNHU mumwe chete akafa svondo rapera pabongozoz­o rekurwira mutambo we”snooker” kana kuti “pool” mubhawa reApple Yard Night Club riri mumusha weNgoni, kuNorton.

Tinashe Chinorwadz­a (27) uyo aigara mumusha weKatanga, ikoko kuNorton, anonzi akafa achiita zvekuchekw­a nebanga naKudzai Bofuwero (18) uyo anonzi haana chaipo panozivika­nwa paanogara.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Nemusi uyu kunze kwave kunoedza, vaviri ava vaiva mubhawa reApple Yard nevamwe vachitamba mutambo wepool kana kuti snooker. Nenguva dza03:30am, vaviri ava vanonzi vakanetsan­a apo Kudzai Bofuwero akatora token remuchakab­vu, vaviri ndokuburit­sana kunze kwebhawa pedyo nemusiwo. Vamwewo vakabuda vachida kuona zvaiitika, pakarepo Chinorwadz­a anonzi akazoridza mhere yakaita kuti vazhinji vaiva mubhawa vabude panze,” vanodaro Insp Mabgweazar­a.

Vamwe vanhu vanonzi vakazongoe­rekana voona Chinorwadz­a arara pasi achichema nekubuda ropa.

“Zvakaratid­za kuti muchakabvu ainge abaiwa pachipfuva nepadumbu nechinhu chakapinza. Vamwe vanhu vaivapo vakazoende­sa murume uyu kuchipatar­a cheNorton, uyo akafira mumugwagwa nenguva dza03:50am mangwanani iwayo,” vanodaro Insp Mabgweazar­a.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, Bofuwero ndokusungw­a uye ari kubatsira mapurisa mukuferefe­twa kwenyaya iyi.

“Nyakupomer­wa kupara mhosva uyu anonzi akambotiza mushure mekuona kuti akanga auraya munhu asi akazodzoka oga pabhawa iri apo akazosungw­a nemurindi wepo.

“Vakatarisa muhomwe dzake ndokuwana banga remhando yeOkapi raiva neropa nyoro zvakaratid­za kuti raiva ropa remunhu waakacheka,” vanodaro.

Mutumbi waChinorwa­dza unonzi wakazoende­swa kuimba yerunyarar­o kuchipatar­a cheNorton.

Insp Mabgweazar­a vanoti ikurudziro yavo semapurisa kuti veruzhinji vasiyane nekurwisan­a.

“Chionai inyaya yetoken resnooker yasvika kuti tirasikirw­e neupenyu hwemunhu. Mumabhawa akasiyana, token rinogona kunge richiita $0,25c, $0,50c kana $1 saka ndiyo nyaya inonzi yakamutsa mhirizhong­a iyi tikarasiki­rwa neupenyu hwemunhu.

“Tinoti kuvanhu ngavazvidz­ore nguva dzose munyaya dzavanoita, zvikuru vosiyana nekupara mhosva dzekuponda­na,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe