Kwayedza

Veruzhinji vochema nemitengo

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kuchema-chema nekukwira zvisina tsarukano kwemitengo yezvinhu vachiti mari dzavo hadzichaen­derana nezvavanod­a mukurarama.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo mune zvimwe zvitoro zvemuHarar­e ikaona kuti mitengo yezvekudya yakakwidzw­a inosangani­sira yeshuga, mafuta ekubikisa, upfu, mupunga uyewo sipo.

Mutengo we2kg yemupunga wakachipa wakabva pa$2,20 kuenda pa$$2,99, sipo yekuwachis­a 1kg ikabva pa$1,05 kuenda pa$1,59 uyewo doro remhando yeAmarula rava kuita $17,49 richibva pa$14,50.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vanhu avo vanoti kudai Hurumende yachipindi­ra panyaya yemitengo yezvinhu.

Mai Viginia Malunga vekuEpwort­h vanoti zvinhu zviri kungomuka zvave nemitengo iri pamusoro.

“Pafungeiwo kuti zvimwe zvitoro zvave kutengesa 2 litres yemafuta ekubikisa ne$4,50 kubva pa$3,30 apowo 2kg yeSurf yakabva pa$4 kuenda pa$6,50 kuchizoti 10kgs yeupfu yava kuita $6,50 muzvimwe zvitoro ichibva pa$3,50.

“Kukwira kwemitengo kwacho kwanyanya, pave kudiwa matanho ekuzvimisa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirw­a naMai Anesu Makanha vemuHarare vachiti, “Tinochema kuti kudai vemabhengi vaita kuti mari iwanikwe sezvo kunyanya kushandisw­a kwemari dzepurasit­iki kuri kuita kuti vatengi varohwe pasi petsoka (kudhurirwa).”

VaDenford Mutashu, avo vanova mutungamir­iri wesangano reConfeder­ation of Zimbabwe Retailers, vanotsinhi­ra nezvekukwi­ra kwemitengo yezvinhu muzvitoro vachiti iri kukwira nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

“Hongu, zvinhu zvakwira zvakanyany­a mumasvondo maviri adarika. Tine chivimbo chekuti zvinhu zvichagadz­irisika nekukasika.

“Tine vatsigiri vakawanda vane chido chekuvamba mabhizines­i muno, saka zvava pachena kuti vave kutouya kuzotanga basa kuitira kuti tive nezvinhu zvatinogad­zira munyika medu pane kuti tirambe tichinoten­ga kunze izvo zvinotidhu­rira pakutenga mari dzekunze.

“Kana zvinhu zvikagadzi­rwa muno nehuwandu hwazvo sezvakaitw­a nekambani yePepsi inogadzira zvinwiwa, tinoona mitengo yezvinwiwa zvizhinji ichiderera.”

VaMutashu vanoendere­ra mberi vachiti, “Zvinhu zvinogadzi­rwa muno zvakakwira nechikamu che4-10 percent apo zvinobva kunze kwenyika zvakakwira zvakanyany­a nechikamu ch30 kusvika 40 percent.”

Vanoti kugadzwa kwedare reCabinet idzva kuchaita kuti mapoka oga-oga ange aine vamiririri vanoita mabasa avo muzvikamu zvakasiyan­a.

“Kana Cabinet ichinge yagadzwa, tinenge tava negwara rekuziva kuti kana pachinge paita dambudziko rakadai serekukwir­a kwezvinhu tinonanga kupi kuti matanho ange achitorwa,” vanodaro.

VaMutashu vanoti rimwe dambudziko guru nderekusha­ikwa kwemari yemusvo kumabhengi, izvo zviri kuita kuti munyika muve nemitengo mina inoti yeEcoCash, RTGS, yevanoshan­disa mari yekunze neyemuno.

Vanotizve Hurumende inofanira kutora matanho akasimba ekurwisa kutengeswa kwemari yekunze pamusika wemukoto nekuti izvi zviri kukonzera kuti mari iyi iburitswe mumabhangi nechikirib­idi ichizoguma yave pamusika wemukoto.

“Tinoziva kuti kune vanhu vari kuendesa mari kumisika mitema iyi zvinoita kuti vatengesi vemari iyi varambe vari mumigwagwa.

‘‘Kana vakasabatw­a vanhu ivavo, dambudziko iri hariperi uye vanotofani­ra kupihwa zvirango zvakaomara­ra.

“Pane nyaya zvakare yevanoteng­esa zvinhu zvinosanga­nisira girosari pamusika wemukoto. Ivava havana mitero yavanobvis­a kukanzuru, mitero yemagetsi kana kuHurumend­e, chavo kungopinda muguta nemagirosa­ri

 ??  ?? 2kg mupunga $2.99
2kg mupunga $2.99
 ??  ?? Mafuta $3.85
Mafuta $3.85
 ??  ?? Mai Viginia Malunga
avo vachitenge­sa pachena asi vachibira bhizinesi kune vane zvitoro. Izvi zviri kumutsa makwikwi kumisika zvichikonz­era kukwira kwemitengo,” vanodaro.
Mai Viginia Malunga avo vachitenge­sa pachena asi vachibira bhizinesi kune vane zvitoro. Izvi zviri kumutsa makwikwi kumisika zvichikonz­era kukwira kwemitengo,” vanodaro.
 ??  ?? Mai Anesu Makanha
Mai Anesu Makanha
 ??  ?? VaMutashu
VaMutashu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe