Kwayedza

Mupositori akanwisa vana vake ‘poison’

-

“Baba vane muteuro wavakapihw­a kuchechi kwavo wenhombo uyo wainzi unofanirwa kugara uri muchoto nguva dzose. Waibviswa bedzi panobviswa dota.

“Zvino mwana wedu Disney Marimo (9) ndiye akabvisa dota musi uyu, ndokuisa nhombo iyi parutivi iyo akatanga kutambisa ichibva yazotsemuk­a kuita zvimedu zvitatu,” anodaro Sekerere.

Nekutya, mwana uyu anonzi akazotora nhombo iyi ndokuiviga kuseri kwegonhi achibva atora imwewo hurungudo yaikwenenz­vereswa hari naamai vake, iyo akaisa muchoto sekutsiva yemhiko dzababa vake yaakapwany­a.

“Baba vauya kubva kuchechi kwavo, vanonzi vakangosvi­ka vachibvunz­a nhombo yavo yemuteuro, iyo yaigara muchoto vachiti yainge yaendepi zvakashami­sa kuti vaiva vazviziva sei. Zvadaro, vakazovhun­dutsira mwana uyu akabvuma kuti ndiye ainge aipwanya ndokuvarat­idza yaakange atsiva nayo iri muchoto. Vakamaniki­dza mwana kuitora muchoto nemawoko apo aitsva ivo vachimufos­ekedza bedzi zvisinei nekuti mwana aichema,” anodaro.

Sekerere anoti paakadzoka kurufu, akasvikonz­wa nyaya iyi, ndokuzoend­a nemwana uyu kukiriniki rava rechimangw­ana racho uko akanorapwa maronda nemaziduzu aiva mumawoko ose.

“Husiku hwacho hwaitevera, baba vakatora vana vachiti vaida kuenda kwaambuya kunosiya huku vaine vana vose vatatu vanoti Talon (13), iye wekutsva Disney (9) nekadiki Rathro (6). Vanonzi vari mumugwagwa vakaburits­a chinwiwa chaiva mubhegi ravo vachibva vapa vana.

“Pavakazodz­oka, vana vakasvika kuno kumba vave kurutsa nekuita manyoka vakandiudz­a kuti vapihwa dhiringi nababa,” anodaro Sekerere.

Anoti Madzibaba Jethro musi uyu akazongoer­ekana ave kurova imbwa dzake netsvimbo nekudzitem­a nedemo apo dzainge dzakasungi­rirwa dzichibva dzafa.

“Hatizive kuti yakanga ichiri nyaya yemuteuro here kana kuti pakanga pava nezvimwe nekuti pavaiuraya imbwa idzi, dzakachema vanhu vemumusha vakazvinzw­a. Panguva yaaponda imbwa dzake, vana vakatangaw­o kurutsa nekuchaya zvakanyany­a ndichibva ndavaendes­a kuchipatar­a.”

Sekerere anoti murume wake haana kubuda pachena kuti akapa vana chinwiwa sezvo aingoti akavapa mhandire chete.

Anoti iye haapinde chechi imwe cheteyo nemurume wake.

“Handizive kuti muteuro waiiswa muchoto uyu waiva wei, vanoti vakaupihwa kuchechi kwavo. Hamheno kuti munamato werudzii unokangani­sa vanhu magariro kudai,” anodaro.

VaNhau Marimo (83), vanove baba vaMadzibab­a Jethro, vanoti vakashamis­wa nezvakaitw­a nemwana wavo.

“Ndiye oga mwana wandasara naye pavana vangu 8. Handizive kuti zvino akaenda kujeri ndichaita sei,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mbuya Lucia Marimo (77) vanoti havazive kuti mweya wakabata mwana wavo wakabvepi.

“Vamwe vana vose vaka- pera kufa, tangosarir­wa naiyeyu,” vanodaro.

Madzibaba Joel Matiyenga (40), avo vanova sahwira waMadzibab­a Jethro uye vachipinda vose chechi, vanoti mumwe wavo anga orasika pachinamat­o chavo.

“Hongu mweya unokutauri­ra zvichauya, asi handizive kuti miedzo iyi sei Madzibaba Jethro vasina kuziviswa nemweya. Izvozvi vanga vachangobv­iswa pachigaro chekuva mudare pamasowe, takazonzwa kuti vave kuchengeta imbwa zvisingabv­umidzwe kuchechi kwedu. Ndokusaka vazosangan­a nemiedzo iyi,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe