Mupositori akanwisa vana vake ‘poison’
“Baba vane muteuro wavakapihwa kuchechi kwavo wenhombo uyo wainzi unofanirwa kugara uri muchoto nguva dzose. Waibviswa bedzi panobviswa dota.
“Zvino mwana wedu Disney Marimo (9) ndiye akabvisa dota musi uyu, ndokuisa nhombo iyi parutivi iyo akatanga kutambisa ichibva yazotsemuka kuita zvimedu zvitatu,” anodaro Sekerere.
Nekutya, mwana uyu anonzi akazotora nhombo iyi ndokuiviga kuseri kwegonhi achibva atora imwewo hurungudo yaikwenenzvereswa hari naamai vake, iyo akaisa muchoto sekutsiva yemhiko dzababa vake yaakapwanya.
“Baba vauya kubva kuchechi kwavo, vanonzi vakangosvika vachibvunza nhombo yavo yemuteuro, iyo yaigara muchoto vachiti yainge yaendepi zvakashamisa kuti vaiva vazviziva sei. Zvadaro, vakazovhundutsira mwana uyu akabvuma kuti ndiye ainge aipwanya ndokuvaratidza yaakange atsiva nayo iri muchoto. Vakamanikidza mwana kuitora muchoto nemawoko apo aitsva ivo vachimufosekedza bedzi zvisinei nekuti mwana aichema,” anodaro.
Sekerere anoti paakadzoka kurufu, akasvikonzwa nyaya iyi, ndokuzoenda nemwana uyu kukiriniki rava rechimangwana racho uko akanorapwa maronda nemaziduzu aiva mumawoko ose.
“Husiku hwacho hwaitevera, baba vakatora vana vachiti vaida kuenda kwaambuya kunosiya huku vaine vana vose vatatu vanoti Talon (13), iye wekutsva Disney (9) nekadiki Rathro (6). Vanonzi vari mumugwagwa vakaburitsa chinwiwa chaiva mubhegi ravo vachibva vapa vana.
“Pavakazodzoka, vana vakasvika kuno kumba vave kurutsa nekuita manyoka vakandiudza kuti vapihwa dhiringi nababa,” anodaro Sekerere.
Anoti Madzibaba Jethro musi uyu akazongoerekana ave kurova imbwa dzake netsvimbo nekudzitema nedemo apo dzainge dzakasungirirwa dzichibva dzafa.
“Hatizive kuti yakanga ichiri nyaya yemuteuro here kana kuti pakanga pava nezvimwe nekuti pavaiuraya imbwa idzi, dzakachema vanhu vemumusha vakazvinzwa. Panguva yaaponda imbwa dzake, vana vakatangawo kurutsa nekuchaya zvakanyanya ndichibva ndavaendesa kuchipatara.”
Sekerere anoti murume wake haana kubuda pachena kuti akapa vana chinwiwa sezvo aingoti akavapa mhandire chete.
Anoti iye haapinde chechi imwe cheteyo nemurume wake.
“Handizive kuti muteuro waiiswa muchoto uyu waiva wei, vanoti vakaupihwa kuchechi kwavo. Hamheno kuti munamato werudzii unokanganisa vanhu magariro kudai,” anodaro.
VaNhau Marimo (83), vanove baba vaMadzibaba Jethro, vanoti vakashamiswa nezvakaitwa nemwana wavo.
“Ndiye oga mwana wandasara naye pavana vangu 8. Handizive kuti zvino akaenda kujeri ndichaita sei,” vanodaro.
Mudzimai wavo, Mbuya Lucia Marimo (77) vanoti havazive kuti mweya wakabata mwana wavo wakabvepi.
“Vamwe vana vose vaka- pera kufa, tangosarirwa naiyeyu,” vanodaro.
Madzibaba Joel Matiyenga (40), avo vanova sahwira waMadzibaba Jethro uye vachipinda vose chechi, vanoti mumwe wavo anga orasika pachinamato chavo.
“Hongu mweya unokutaurira zvichauya, asi handizive kuti miedzo iyi sei Madzibaba Jethro vasina kuziviswa nemweya. Izvozvi vanga vachangobviswa pachigaro chekuva mudare pamasowe, takazonzwa kuti vave kuchengeta imbwa zvisingabvumidzwe kuchechi kwedu. Ndokusaka vazosangana nemiedzo iyi,” vanodaro.