Kwayedza

Kodzero yevakarema­ra yekuita mhuri

- Isabel Palasida

NYAYA dzemhirizh­onga dziri kuramba dzichiteke­shera kuvanhukad­zi uye dzinosanga­nisira kubatwa chibharo, kutukirirw­a nezvinyadz­i kana kubatwa muviri nenzira dzisina kukodzera nekupondwa.

Mhirizhong­a kuvanhukad­zi inosangani­sirawo kurohwa, kushunguru­dzwa mupfungwa, kuteverwa zvisina tsarukano, kudhonzwa kana kuchekwa nhengo dzesikarud­zi uye kuratidzwa mifananidz­o kana mafirimu ezvinyadzi pakati pezvimwe.

Izvi zvinoratid­za kuti mhirizhong­a izwi rakakura zvikuru rinotaura zvinhu zvakawanda zvakaipa zvinoitirw­a vanhukadzi, kunyanya zvichikang­anisa raramo yavo.

Panoda kuitwa ongororo yekuona nyaya dzemhirizh­onga idzi pamaitikir­o adzo akasiyana. Somuenzani­so, utano hweveruzhi­nji hunotaurwa pamusoro pahwo nezvenyaya dzendufu kana kukuvara apo mitemo ine mamwe maonerowo ayo maringe nenyaya idzi, zvikuru pakusunga vapari vemhosva.

Nekuda kwekusiyan­a kwakaita zvinhu munzvimbo dzakasiyan­a, panoda kuitwa ongororo zvikuru kune zvimwe zvikamu zvisiri kunyanya kutariswa maringe nemhirizho­nga zvinogona kunge zvisiri kuwanikwa mumitemo.Tichitaris­a kuuya kwakaita mutemo weDomestic Violence Act, uyo unorwisa nyaya dzemhirizh­onga kuvanhukad­zi, vazhinji vakautambi­ra zvakanyany­a nekuti raive dambudziko guru raiwanikwa munharaund­a dzavo.

Madzimai ndiwo ari kunyanya kushunguru­dzika uye vakaremara vanobva vasangana nematambud­ziko akapetwa.

Bumbiro remutemo wenyika rinotambir­a kuti vanhu vange vachiita mhuri dzavo uye mudzimba dzinenge dzakacheng­etedzeka.

Bumbiro remutemo rimwe chete iri harina rusarura kumadzimai akaremara apo rinotaura muSection 25 ne78 nezvekodze­ro yekuita mhuri kune vanhu vane makore 18 okuberekwa zvichienda mberi.

Madzimai akaremara neavo vanorwara nepfungwa kazhinji kacho havatorwi sevasati vabva zera nokudaro vanotorwa sevanhu vanokwanis­a kuzvisarud­zira nguva yekuita mhuri.

Munguva zhinji, vanotarisw­a sevanhu vanofanira kurongerwa upenyu hwavo nekuti vanenge vachionekw­a sevasina kodzero yekuita zvepabonde zvinozoita kuti vagumisire vave kumbunyiki­dzwa nenzira yebonde nevanhu vane pfungwa dzakaipa. Vamwe vanotoende­swa kuti vanobaiwa majekiseni ekuti vasaite vana pasina ruzivo rwavo kunova kutyora kodzero dzavo.

Vane kodzero dzekuitawo mhuri sezvinongo­itwa nemunhu wese uye kuti vange vachiraram­a upenyu hwakavanzi­ka asi munguva zhinji vanotorwa sevanhu vasingazok­wanisi kuchengeta mhuri dzavo.

Nyaya dzekubvisw­a pamuviri kumadzimai akaremara imhosva huru.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi inoratidza kuti vabereki vanenge vachirwara nepfungwa vanorambid­zwa kuona vana vavo apo vanogarisw­a kure navo asi maitiro aya kutyora kodzero dzavo.

Izvi zvinoreva kuti mwana anokundika­na kuwana mukaka wemuzamu raamai vake kana kuva nesungawir­irano navo zveupenyu hwese.

Vanhu vakaremara vanofanira kuwaniswa chengetedz­o kubva kune nzira dzose dzine chekuita nekushungu­rudzwa kwavo.

Nokudaro zviri pachena kuti bumbiro remutemo rinopa kodzero kumunhu wese kuti ange achiva nemhuri yake nekubviswa kwemhosho dzose dzinodzivi­sa kuti madzimai akaremara awanikwe achiita mhuri dzavo.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe