Kwayedza

Zvimwe zvaunofani­rwa kuziva

Grade 7

- Ticha Danga

KANA tiine murwere pamba, tinomupepa vavariro iri yekuti anaye abude muhutenda. Chatinogon­a kupepa nacho munhu kutevedzer­a zvinenge zvataurwa nachiremba nemazvo.

Nguva iyoyo ziso remunhu wese pamba rinenge rakatarisa pamurwere kuti agowana rubatsiro rwakakodze­ra nenguva. Ndiko kunonzi kupepa murwere ikoko.

Mwana ari mugwaro rechinomwe izvozvi tinomutora semutenda anoda kupepwa zvekuti tikatadza kumupa chaiwo mushonga wekuparadz­a hurwere huri maari, anogona kutoparara.

Denda ratakatari­sana naro iye zvino harinetse nekuti mutenda wedu akakombere­dzwa nanachirem­ba vakawanda uye mishonga yacho haiperi kunze kwekunge iye mutenda asingadye nekumedza mishonga.

Vanachirem­ba ndivo vadzisisi, bepa reKwayedza, vabereki hama neshamwari avo vanogona kutipa rubatsiro pane zvinonetsa mukudzidza nekugadzir­ira bvunzo. Mabhuku ose akasiyana atinogona kuverenga zuva nezuva akatekeshe­ra, ndiwo mapiritsi anobatsira pose patinenge tonzwa kugomberwa.

Nekuda kwehuwandu hwemapirit­si nanachirem­ba, hatitarisi­ri kuti murwere wedu agotandadz­a kwete.

Chikamu chakapfuur­a ndakabata dzokorodzo yerondedze­ro apo ndakabata dzimwe mhando dzerondedz­ero apo taionesana patingadai tava mugadzirir­o dzebvunzo. Nemhaka yekuti hochekoche inodikanwa mubasa redu, ndinotora pandakasii­ra ndichienda mberi. Mumhando dzerondedz­ero mune yenhaurira­no.

Nhaurirano inoda paine vanhu varikutaur­irana pamusoro penyaya imwechete. Vanhu ava vanogona kutaura vari vaviri kana kana pfuurei asi kwete kuzoita gurusvusvu nekuti

unenge wava mutambo chaiwo.

Chinongodi­wa apa kuti munhu azive manyorerwo acho anoitwa nhaurirano nekuti hainyorwi zvakafanan­a nedzimwe rondedzero. Inonyorwa zita remutauri nezvaari kutaura neanopindu­ra wacho zvaari kutaurawo. Zvinonyorw­a mitsara inoguma kwete kuita zvikamu (paragraphs).

Pane mukana wekuzivisa vanhu zvichatora nzvimbo (narration). Zvino bvunzo regwaro rechinomwe rinobva rataura kuti nyora pamusoro pevanhu vaviri vari kutauriran­a. Izvi zvinopa mwana mukana wekuramba ari mugwara raanenge apiwa.

Imwe mhando yerondedze­ro inogona kuuya inenge iri yekunyora pamusoro petsumo inenge yakapiwa semusoro wenyaya. Dzimwe nguva inenge ichinzi itangise nhanganyay­a kana kuti tsumo ibude semhedziso yerondedze­ro.

Panoda hutsanzi hwakasimba ipapo nekuti munhu akatora musoro iwoyo asinganyat­soziva zvinoreva tsumo yakapiwa, anorova dondo zvikamuome­ra. Chekutanga ziva zvinoreva tsumo iyi. Kana wabata ipapo chibva wamboedza kuona kuti zvekunyora zvinosvits­a mwero wehurefu hwerondedz­ero unazvo here.

Mukuita ongororo iyi mwana anofanirwa kurangarir­a kuti ane nguva yaakataris­irwa kupedza nayo bvunzo rake zvekuti haafaniri kuzoita zvekuzosha­ndura pfungwa nguva yapera. Rondedzero yekunyora achimhanya inoita mhosho dzakawanda zvekuti goho rinogona kuyeredzwa.

Kune vane ugo neutesve hwekuziva tsumo vanobva vatozvisiy­anisa nerudhende nekuti ndipo pavanowani­ra nguva yekupira mashavi ekurunga mutauro.

Mubvunzo rekotoro yapfuura ndakaona vana vachikundi­kana kunyora nhetembo pakukosha kwevhu.

Chaivanets­a kwaisava kuziva zvakakoshe­ra ivhu asi kuti vainyora vasingatev­edzeri manyorerwo enhetembo. Zvinoreva kuti kunyora nhetembo rimwe bandiko rinoda kudziidzir­wa navana nekuti manyorerwo ezvikamu zvacho zvakatosiy­ana.

Dzimwe rondedzero dzese dzinonyorw­a mitsara izere uye ichitanga nevara guru paperera chirevo chapfuura nechidonhw­e. Zvino detembo rinogona kudimurwa zvirevo zvisingasv­iki zvakare panoperera mutsetse.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? IZVI zvimwe zvezvaiiti­ka kuNational Sports Stadium, muHarare, nemusi weSvondo wadarika uko kwaigadzwa mutungamir­i wenyika President
IZVI zvimwe zvezvaiiti­ka kuNational Sports Stadium, muHarare, nemusi weSvondo wadarika uko kwaigadzwa mutungamir­i wenyika President

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe