Kwayedza

‘Tiri kusimbarad­za ruzivo rwemabasa’

- Daphne Machiri

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende yakazvipir­a kusimudzir­a ruzivo rwesainzi pamwe nemabasa emaoko kuburikidz­a nekuvakisa mizinda yekuitira zvidzidzo izvi muzvikoro zvepamusor­o pasi pechirongw­a cheIndustr­ial Hub Project.

Vakataura mashoko aya vari kuBulawayo Polytech- nic nguva pfupi yadarika apo vaive muenzi anoremeked­zwa pakupihwa zvitupa kuzviuru zvevadzidz­i vakapedza zvidzidzo zvavo.

“Mari yavepo yekuvaka maIndustri­al Hubs uye purovhinzi imwe neimwe inofanirwa kuva neIndustri­al Hub.

Zvirongwa zvakadai zvinosimud­zira upfumi hwenyika pamwe nekuvandud­za dzidzo yepamusoro,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe ifambirane nedzimwe nyika munyaya dzeruzivo rwechimanj­e manje.

“Tichaender­era mberi tichivandu­dza nyika kubudikidz­a nezvivakwa neruzivo rwemichina yechimanje manje. Muno munyika tinoda kubika tega zvakaita semachirem­ba pamwe nanamazvik­okota vesainzi vanoongoro­ra zvakasiyan­a-siyana,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaGilber­t Mabasa, avo vanove principal weBulawayo Polytechni­c, vachiti chikamu chavo chezvidzid­zo zveEnginee­ring chakakosha zvikuru uye pari zvino chine vadzidzisi vashoma.

“Engineerin­g ine zvidzidzo zvakati wandei zvinoda vadzidzisi, kunyanya pano paBulawayo Polytechni­c, vadzidzisi vave vashoma nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a zvinosanga­nisira kufa nevanosiya basa vachienda pamudyandi­gere,” vanodaro VaMabasa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe