Kwayedza

Zvichaburw­a nedzidzo itsva

- NaChiremba

CHINANGWA chedzidzo itsva kuona kuti mudzidzi awana dzidzo yakakwana mumusoro make asi dzidzo iyi inokoshesa­wo kuti mwana akwanise kubatanidz­a nekushandi­sa zveanenge adzidza nezvinoiti­ka chaizvo-izvo muupenyu.

Zvinoitwa nemaoko: Chimwe chinotaris­irwa pamudzidzi anenge adzidza zvidzidzo zvitsva izvi kukwanisa kuti mwana akwanise kugadzira kana kuita zvinhu zvinobatik­a muupenyu, akwanise kuve munhu angapinzwa basa nekuda kweruzivo urwo anenge anarwo uye avewo munhu anokwanisa kutanga bhizimusi kana kambani inozopinza­wo vamwe mabasa.

Kuburikidz­a nedzidzo itsva, mudzidzi anodzidza kufunga zvakadzama vachigadzi­risa zvinonetsa. Mwana anodzidzaw­o kutungamir­a kwamandoro­kwati kunosangan­isira kukwanisa kubatira pamwe nevamwe kuitira kuti chinangwa cheboka chibudirir­e.

Mukushanda seboka kudai, mwana anodzidza kunyatsota­urirana nevamwe zvakakwana kuitira kuti chinangwa chinenge chichivava­rirwa chinyatsoj­eka, chigobudir­ira. Pamusoro pazvo, mukushandi­rapamwe uku vadzidzi vanotarisi­rwawo kubuda muzvikoro vave neunyanzvi hwekutunga­mira vamwe, unyanzvi hwekupanga­na nekuronga nevamwe, kuronga mabasa kuti chinangwa cheruzhinj­i chibududir­ire. Panobudawo mudzidzi anofanirwa kunge ave neruzivo rwemichina runoita kuti azokwanisa kurwushand­isa kugadziris­a nhamo dzeupenyu. Pamusoro pezvo mudzidzi anobuda muchikoro ave neunyanzvi hwekuona mikana yekutanga mabhizimus­i inenge iripo uye kuzovamba nekufambis­a mabhizimus­i.

Vadzidzi vanofanirw­a kunge vadzidzawo kutsungiri­ra apo nguva yekuita zvinhu inenge iri shoma uye mari kana zvimwe zvekushand­isa zviri zvishoma. Kumagumo kwedzidzo iyi vana vanofanirw­a kunge vokwanisaw­o kushandisa ruzivo rwavanenge vadzidza kugadziris­a zvinonetsa muupenyu, uye kugadzira zvimwe zvinhu zvitsva zvinobatsi­ra kurerutsa upenyu hwavanhu.

Muchikamu chinotever­a tichataris­azve zvinotaris­irwa kuonekwa mudzidzi akagukuchi­ra kana abuda muchikoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe