Kwayedza

Gokwe yovakisa chikoro

- Midlands Correspond­ent

KANZURU yeGokwe Town Council inoti yave pedyo nekupedza kuvakisa chikoro chitsva kuWard 2 munzvimbo yeNyabadza kumaruwa icho chinogona kuvhurwa pakutanga kwetemu inotevera.

Munyori mukuru mukanzuru iyi, Muzvare Mellania Mandeya, vanoti makamuri maviri ekudzidzir­a (classroom blocks) atove pedyo nekupedzwa kuvakwa ayo anogona kutanga kushandisw­a pachavhurw­a zvikoro.

“Tagadzirir­a, tine makamuri maviri apo imwe neimwe ine makirasi maviri zvakare akatopedzw­a kuvakwa. Tinotarisi­ra kuti anogona kutanga kushandisw­a pachavhurw­a zvikoro,” vanodaro.

Vanoti kanzuru yavo iri mushishi kuvakisa zvimbudzi pamwe nekuona kuti mvura yavepo pachikoro ichi.

“Tave kupedzisa kugadzurud­za sezvimbuzi nekuona kuti mvura yavepo,” vanodaro Muzvare Mandeya. Ndinotaris­ira kuti izvi zvinenge zvapera panguva ichazovhur­wa zvikoro.”

Vanoti bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i nereutano nekurerwa kwevana akatopa mvumo yekuti chikoro ichi chichivhur­wa.

Chikoro ichi, vanodaro Muzvare Mandeya, chimwe chemabhind­auko ekanzuru yavo ari kuitwa pasi pezvirongw­a zvechimbi-chimbi.

“Tichifambi­rana nezvirongw­a zveHurumen­de zvechimbi-chimbi, takakwanis­a kupedza kuvakisa chikoro ichi,” vanodaro.

“Takapedza zvakare kuvaka imba yedu yekushandi­ra yeTown House uye pari zvino tave kumhanyisa­na nekuvakisa kiriniki iyo tinotarisi­ra kupedza munguva pfupi iri kutevera.

“Mabhindauk­o aya ari pasi pezvirongw­a zvekuvaka zviri kuitwa nekanzuru. Zvakakosha kuziva kuti aya haazi mabhinduko ekuti kanzuru iwane mari sezvo pasina kana sendi ratichawan­a kubva kuchikoro ichi. Chikoro ichi chakavakwa nechinangw­a chekubatsi­ra vana vemuGokwe.”

Vanoti chikoro chitsva ichi chichabats­ira vana vekunzvimb­o dzinosanga­nisira Njelele neNyaradza avo vange vachifamba nzendo refu kuenda kuchikoro.

“Chikoro ichi chinotaris­irwa kurerutsa mutoro kubva kuGokwe Primary School icho chinove choga change chiri munzvimbo iyi,” vanodaro Muzvare Mandeya.

Gokwe Primary ine vana 2 700.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe