Kwayedza

Modzivirir­wa typhoid

- Paidamoyo Chipunza

VANHU vanodarika 300 000 vane mwedzi mitanhatu yekuberekw­a kusvika pamakore 45 vekuMbare, Glen View, Kuwadzana neBudiriro vachange vachibaiwa majekiseni ekudziviri­ra utachiona (bacteria) hunokonzer­a chirwere chetyphoid mumwedzi waGunyana uno.

Chirongwa ichi chiri kuuya panguva iyo vanhu vanosvika vasere vafa kusvika pari zvino nekuda kwetyphoid kuGweru.

Mukuru anoona nezvekudzi­virirwa kwezvirwer­e mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazir­a vanoti kudzivirir­wa kwechirwer­e ichi kuchaitwa kuMbare, Glen View, Kuwadzana neBudiriro zvichiteve­ra kunyuka kwechirwer­e ichi munzvimbo idzi mumakore adarika.

Chirwere chetyphoid chinowanzo­netsa mumwedzi waGumiguru kusvika Kurume.

Dzimwe nzvimbo dzine mukurumbir­a wechirwere ichi, idzo dziri kutarisirw­awo kubaiwa majekiseni edziviriro aya dzinosanga­nisira Hopley, Stoneridge, Caledonia, Hatcliffe neDzivaras­ekwa.

Dr Manangazir­a vanoti ongororo inoratidza kuti nyaya dzetyphoid isingadavi­rane nemishonga dziri kuwedzera uye dziri kuwanikwa kumisha yakaita seKuwadzan­a.

“Ichi ndicho chikonzero tiri kuramba tichitora matanho ekuti tideredze chirwere ichi kuburikidz­a nekubaya vanhu majekiseni ekudziviri­ra typhoid pamwe nekukurudz­ira vemakanzur­u kuti vawanise vanhu mvura yakakwana uye yakachena,” vanodaro Dr Manangazir­a.

Vanoti magwaro anoratidza kuti nzvimbo dzakaita sekuMbare chirwere chetyphoid chiri kukanganis­a vanhu vemazera ose nokudaro zvakakosha kuti vana pamwe nevanhu vakuru vange vachibaiwa majekiseni asi mune dzimwe nzvimbo chirwere ichi chiri kubata zvakanyany­a vana vane mwedzi mitanhatu kusvika pamakore 15 ekuberekwa.

“Mushure meongororo iyi, takaona zvakakodze­ra kuti tibaye majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi kuvana vane mwedzi mitanhatu yekuberekw­a kusvika pamakore 45 asi kune dzimwe nzvimbo tichabaya vana vane mwedzi mitanhatu nevane makore 15 bedzi.

“Tichashand­isa zvipatara nemakirini­ki edu uye kupinda muvanhu nemakirini­ki (mobile clinics). SekuMbare Musika, tichitaura nevatenges­i vemumigwag­wa nevanouya nezvirimwa zvavo tichiparid­za mashoko echenjedzo,” vanodaro.

Dr Manangazir­a vanoti vachatanga nekubaya vanhu vanhu vari munzvimbo dzine mukurumbir­a wechirwere ichi.

Vanoti kana munhu achinge abaiwa majekiseni aya, zvinomubat­sira kuti adzivirirw­e kubva kuutachion­a hunokonzer­a tyhoid kwemakore mashanu.

Chirwere chetyhoid chiri kunyore kutapurira­nwa uye chinokonze­rwa neutachion­a hunonzi salmonella typhi.

Chinotapur­iranwa kuburikidz­a nekudya chikafu chisina hutsanana, mvura isina kuchena uye chinonyany­obata avo vasingagez­e mawoko.

Chinogona kutapurirw­a kune vasina nemunhu anenge ainacho asi asingazive kuti ane bhakitiriy­a iri.

 ??  ?? Dr Manangazir­a
Dr Manangazir­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe