Kwayedza

N’anga, maporofita vakapihwa nyembe

- Muchaneta Chimuka

VARAPI vechivanhu nevemakere­ke, avo vanova nhengo dzesangano reZimbabwe National Practioner’s Associatio­n (ZINPA), svondo rapera vakapihwa zvigaro nezvitupa zvinofambi­rana nekugona kwavo basa rekurapa.

Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamir­iri wesangano iri, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vanoita chirongwa ichi mushure memakore mashanu ega-ega apo vanopa nhengo dzavo zvitupa nenyembe zvichifamb­irana nemabasa avanobata.

“Tapa zvitupa nenyembe kunhengo dzedu gumi dzinosanga­nisira varapi vanoshandi­sa mishonga yechivanhu nemaporofi­ta sekucherec­hedza mabasa makukutu avanobata. Hurumende yeZimbabwe yakadzika mutemo unocherech­edza mabasa echivanhu uye mutemo mumwe chete uyu unosunga varapi vemanyepo neavo vanenge vasina kunyoreswa zviri pamutemo kumasangan­o akasiyana pasi pesangano reTraditio­nal Medical Practioner’s Council (TMPTC),” vanodaro.

Pachiitiko ichi, nhengo dzesangano iri dzakagadzw­a pazvigaro zvakasiyan­a izvo zvinosanga­nisira vatevedzer­i vaVaChisan­yu vanoti Bishop Cuthbert Nyaruvenda, Mbuya Agnes Carson, Mbuya Joyce Nhamburo nechimwe chizvarwa chekunyika yeChina chinonzi Chin-Chai Chu. Vamwe vevakawani­swa zvitupa izvi vanotsanan­gura mufaro wavo.

“Ndinofara zvikuru nekuwanisw­a chitupa ichi semutevedz­eri wemukuru wesangano reZINPA. Ndinotunga­mirira zvakare sangano rinodaidzw­a kunzi TZUCHI Foundation rinova rakavambwa muna2007 riri kuEpworth iro rinobatsir­a vakaremara, vakwegura nevane zvirwere zvakasiyan­a apo tinovaitis­a mitambo inosimbisa muviri yavo. Zvose izvi tinozviita pachena.

“Tinovaunzi­ra zvakare chikafu chemupunga kubva kunyika yeTaiwan tichivabik­ira pamuzinda uyu,” anodaro Chin-Chai Chu.

Bishop Nyaruvenda vanoti basa guru ravanoita nderekunyo­resa varapi vechivanhu nevemakere­ke kuti vange vachishand­a zviri pamutemo.

“Tiri kusangana nedambudzi­ko revarapi vemanyepo uye vazhinji vavo ndivo vari kubata vanhu chibharo, kubira vanhu mari nezvipfuyo nekurambid­za varwere kunobatsir­wa kuzvipatar­a zvichikonz­era kufa kwevakawan­da. Kana varapi vachinge vanyoreswa zviri pamutemo, vanowana zvidzidzo nekuzivisw­a mutemo yavanofani­ra kutevedza,” vanodaro.

Mbuya Carson vanoti semurapi wechivanhu, donzvo ravo nderekuche­ngetedza upenyu hwevarwere nokudaro vanokurudz­ira vamwe vavo kuti vange vachipfuud­za varwere kuchipatar­a kana vachinge vaona kuti vanenge vasingakwa­nisi kuvabatsir­a pazvirwere zvavanenge vanazvo.

“Kune zvirwere zvakadai seBp, shuga, HIV, gomarara nezvimwe zvinoda rubatsiro rwechipata­ra isu tinobatsir­a bedzi pane zvatinogon­a kwete kunyepera vanhu kuti tinogona zvose nekuti tinenge tichitokon­zera rufu.

“Tine tarisiro yekuti tinge tichivandu­dza hurapi hwedu kuburikidz­a nekuvhura makiriniki anenge aine mishonga yechivanhu kuitira kuti varwere vange vachisviki­ra panzvimbo dziri pachena uye dzakakura,” vanodaro.

 ??  ?? Chin-Chai Chu achitambid­zwa chitupa naSekuru Chisanyu
Chin-Chai Chu achitambid­zwa chitupa naSekuru Chisanyu
 ??  ?? Mbuya Nhamburo
Mbuya Nhamburo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe