Sekuru ndakuvara nemudumbu
SMUBVUNZO: EKURU, ndine makore 42 ekuberekwa nevana vatatu. Dambudzio rangu nderekuti ndinonetseka nemudumbu zvekuti handitofarire bonde. Izvi zvakatanga kare ndichikura zvekuti kutizirwa kwandakaita ndaingoti ndimboona kuti mukadzi ndinaye asi handina hanya naye.
Ndaimbenge ndichifarira kuita hamamaoko asi ndikazongoti handizvide ndega ndikazvisiya.
Dzimwe nguva ndinomuka ndakagerwa pese panomera bvudzi.
Muviri wangu hauna kusimba nekugara ndakabatwa nemudumbu.
Chingava chii nhai Sekuru uye ndobatsirika sei nekuti ndatambura? Mhinduro:
Iwe muzukuru pamwe nevamwe vane matambudziko anenge rako, munofanirwa kuziva kuti kana izvi zvichiitika kwauri, unenge uchishandiswa nemweya yakaipa sezvikwambo.
Kumuka wakagerwa vhudzi ndiko kuroyiwa chaiko, ndipo pawakatorerwa simba rako rese.
Pamwe pacho haufe wakaroora kana kuroorwa, mukadzi anobatira pamuviri pachibva kana kubara vana vanofa.
Munhu kushaya hanya nebonde asi achifarira hama maoko zvinoratidza kuti ari kunzwa kuda bonde asi haasi kuda kuriita, kureva kuti mweya wakaipa uri paari.
Asiwoka, zvimwe zvacho zvinenge zvichida kuti utange waona chiremba kuchipatara kuti akuongorore.
Imbozviedza uone kuti zvichafamba sei.
◆ Bvunza Kwayedza naSekuru Elisha Mutanga pa0775421949/0715942183 Facebook: Sekuru Elisha Mutanga
Instagram: sekuruelisha_ mutanga
Twitter: @sekuruelishamutanga