Makati ED pfee, totiwo makorokoto!
KUSHAIKWApandimamazuvaapfuura aya tange tiri pane imwe ndima. Pfungwa dzichitenderera, maziso nerimwe divi ainyatsoongorora kuda kuona kuti zvii zvichabuda musarudzo.
Aiwa vana veZimbabwe, Mukwende haadikusvora.Zvaakaona,akaonanokuti ane ziso riya rinonzi nemuimbi aita mbiri, mwanawavaZumbaJahPrayzah,paraona rinosiya chidhindo. Rakasiya zvidhindo pese pese.
Kanadzirinzeve,dzakanzwadzikaneta – zvinoendeka kusanganisira makorwa. Asika mutambo uya wesarudzo dzomusi wa30 July wakasvika kwamvurayacheka makumbo.Chatangwachinotoperabedzi.
Haiwawo, zvakapera kani kunyange mukatatamuka tsinga muchiti hazvina. Matauriro omudzimai kana murume arambwa tinoaziva, asi zvakapera, nyika yatove pane chimwe chikamu.
Vanhuvangasweromiriravanhuvanozvigadzaushe?Waipindireimumakwikwi kanayakangairigarozivakutichigarondechako?Waitambisireinguvanemarikana zvosezvakangezvirimuchecheteremvura yeguvi?Ndichadomazvangumazitanyaya ichifamba.
VanaSamanyika vanowanzodaidzwa vachinzi vanaWasu, vanotaura vachiti zvimwezvinhuhazvidikuendaku“skuru” ba, kuti uzive kwabviwa nokuri kuendwa. Zviri pachena sadhiraivha wetirakita.
Kanasarudzodzachodzakangedzisina kuvanzika kubva padzakatanga, zvaizoremaseikutivanhuvaziveakundaneasina, kunyange maive neruzhinji rwaikwikwidza? Kana vomuno mudunhu reSadc, African Union, COMESA, vana European Union, Carter Centre vakange vazere muno vachiongorora, vamwe vavo vachitsvagamhosvacheteasikananaivowovave kugutsikana kuti wakarakashwa iwe.
Asika, pese panoitwa makwikwi, pane mumwe anotokunda, ogadzwa hushe. Hapana munhu anozvigadza hushe iye ange ari mumakwikwi. Makwikwi ane mutemo,ndokusakapainevanoongorora kuona kuti aitwa nemazvo here.
Ndiwo mutoro wakange wakatsigwa nesangano rinofambisa sarudzo, reZimbabwe Electoral Commission. Pavakaripedza musi wa3 Nyamavhuvhu, sachigaro waro Justice Priscilla Chigumba achitura kunyika kuti akunda musarudzo dzemutungamiri wenyika ndiCde Emmerson Dambudzo Mnangagwa veZanu-PF,ukuwovaNelsonChamisavaimirira mubatanidzwa wemapato weMDC Alliance, vachive nhamba 2 takati, zvino hamuchioni kugona kufambisa basa.
Vanhu pavakafunga kuti zvapera, tokorokotedza vakunda, havana kuziva kuti pane nyoka pamberi pavo. Zvakaita sokusekavanhuvavekunzwaVaChamisa vachitivakakundaPresidentMnangagwa, sakandivovanosungirwakugadzwapachigaro chemutungamiri wenyika.
Handi kurotomokaba ikoku? Masikati machena!
Takatadzakuzivakutimunhuavekuda kusikiravanhumotomuzisozvakare,sezvaakaita musi wa1 Nyamavhuvhu zvikakonzeresa kufa kwevanhu vatanhatu, vamwe vakakuvara, zvitoro nemotokari zvikaparadzwa muguta reHarare.
Mweyauyuwakabvepikowokutisarudzodzaitwapajekererekudarodzinopedzisira dzave nezvirehwa-rehwa? Nokuti iwe bedzihaudikuita“pachirume”,wobvuma kuti wakadyiwa feya-feya?
Takafunga kuti kuzvigadza ushe sarudzo dzisati dzaitwa, yaingove nzira yokukwezva vatsigiri, hatina kuziva kuti munhu paaitaura achiti ndikasaitwa ini mutungamiri wenyika, “ndinodira jecha muhupfu” tigoona mukaridya!
Zvino zvawakazodirwa jecha racho ndiwewani?Hezvowasaramunhuwatosvorwa,hauchazivachokuita–apabate,apa bate sepwere. Bvuma zvipere!
Hatina kuziva kuti munhu paari kuti ndinokwidza nyaya kumatare aitorevesa, ukuwo vatsigiri vasina chiono vachikurudzira vaudzwa kuti humbowo hwokubiridzirwahuzere.Vakangevasingazivikuti ndibabavakangevachivhimanepfutiisina mabara. Wanikwe “primary evidence” hapana.
Hurumendeyakaitakungepasinanyaya kuti Cde Mnangagwa vatadza kugadzwa nenguva. Vakati ikodzero yaVaChamisa kana ani zvake kuendesa nyaya kumatare sezvinotaurwa mubumbiro romutemo.
Nyaya isati yaenda kumatare, vatapi venhauvakazvirega.Kungotipanonepapa, veMDC Alliance vanoda kutura mashoko. Zvese izvi kwaive kugadzirira zviri mberi, nokutitakazoonakutimatareayeakanaka, akaipa.
Darerepamusoro-sororeConstitutional Court richitungamirirwa naChief Justice Luke Malaba, nemamwe majaji masere vakazeyanyayayaipomwerwaCdeMnangwagwa (sokunyorwa kwazvakange zvakaitwa mumapepa enyunyuto aVaChamisa), musi weChitatu svondo rapfuura.
Vanzwa zvakaturwa namagweta evaipomerwamhosva(PresidentMnangagwa nesangano reZEC), vakazotura mutongo wavo musi weChishanu, mutongo wavakati vose savadare vabvumirana kuti VaChamisa havana kuunza umbowo hwokuratidzakutivakabirwasei,umbowo hunove pamafomu anetsa anonzi maV11.
Dare richirasa nyaya, rakatiwo VaChamisa vachabhadhara mari dzose dzekumatare. Asi chikuru chakave chokuti zvakaturwa neZEC musi wa3 Nyamavhuvhu hazvishanduke.
Kuchabva mazimari ose ari kudiwa ndiko kwatingada kuziva. Kwatova kupemhaka uku?
Chokumirira pakange pasisina. President Mnangagwa vakagadzwa kunhandare yeNational Sports Stadium pamberi pezviuru nezviuru zvavanhu, kusanganisira sachigaro weAfrican Union President PaulKagamevokuRwanda,PresidentCyril Ramaphosa vokuSouth Africa nevamwe vatungamiri vomuAfrica nevekunze.
Asi,VaChamisavachirikungotivakabiridzirwa,sakamhenokuAfricanCommission on Human and People’s Rights kwavananga nenyaya yavo. Zimbabwe inyika yakazvimirira, saka takamirira vose ivava vavari kunochema navo kuti simba racho vanoriwanepirokupidiguranyayadzatongwa mumatare eZimbabwe.
Gondorikashayanhiyorinongokumba nemarara. Kana tsotsi rikashaya chekuba rinoenda nechikorobho. Hunzi ndinzi ndine chandawanawo.
Vaita musinzwi nokuti vari kuramba rairoirikubvakunyikadzaimbodyidzana neMDC. Saka zvinosvikepi? Takamirira!
VanhuveZimbabwevanodawokuziva kuti sei VaChamisa vachinzi vakatadza kubhadhara vanhu vavo (polling agents), asivakakwanisakuunzamagwetamatatu kubva kuSouth Africa, vasina zvavakaita, uyewo kuti mari dzavari kuendesa nyaya kunemamwemataredzirikubvakupi,dziine chinangwa chei?
Tinongoona pa”social media” vachipemha kuti vanoda $3 million, asika, tikahwerengedza vanhu vavanoti vakavavhotera, mumwe nemumwe akabvisa dhora, mari haikwani here? Hamheno!
Ndipopavachaonakutihavanakuvhoterwa sezvavanorota.
Ndisati ndanyatsokorokotedza President Mnangagwa, ndinoda kupa yambiro kuna VaChamisa. Mwana mudiki, achiri nemimwe mikana yokukwikwidza makore anotevera. Hundingoveni hakuna kwahunosvitsa Zimbabwe yakatsigamukwendewezvinetsozvinodakugadziriswa.
Kune vakazvimisira kuvaka nyika ino kuti vanhu vararame zvakanaka, saka VaChamisa ngavasaita godo repabarika rokutizvikasavezvangu,hapanaanowana.
Chiramwa chavo hapana zvachinosandura. Vacharamba varipo President Mnangagwa. Kutonga nyika handi kutamba nhodo. Ndokusaka veZanu-PF vakati“EDpfee.”KanavanainongoveEDpfee, nokuti kuState House kure, kachana.