Kwayedza

Muimbi otsvaga rubatsiro

- Kingstone Mapupu

MUIMBI wenziyo dzechitend­ero anorarama nehupofu wemumusha weEmakhand­eni muguta reBulawayo anoti atambudzik­a zvikuru nekushaya rutsigiro rwekuti atsikise nziyo dzake.

Washington Chokumanya­ra (54) - uyo anoimba nechikwata chake cheChokuma­nyara Gospel Trumpets - anoti ave nemakore akawanda achitsvaga rubatsiro rwekutsiki­sa nziyo dzake pasina chiri kubuda.

“Ndine chikwata changu chandakaum­ba ichi ndiri mukati mechechi yandinopin­da yeKudzayi Mweya Mutsvene Apostolic Church. Ndinobatsi­rana kuimba nevana vangu vaviri zvikomana zvinoti Blessed naNqobzith­a Chokumanya­ra avo vanova nyanzvi zvikuru munyaya dzekuridza magitare nekuimba,” anodaro.

Muimbi uyu anoti akatanga kuimba makore anodarika gumi.

“Kuchechi kwandinopi­nda kune vakawanda vanovimbis­a nevamwewo vakasiyana kuti vachandiba­tsira nditsikise asi zvinoramba nekuti hapana anozokwani­sa kuzadzikis­a chivimbiso chacho. Izvozvi ndinongova negitare rimwe chete iro tinodzidzi­sana ini nevana vangu tichinyora nziyo dzedu pasi dzakawanda zvikuru idzo tinadzo izvozvi. Dambarefu ratakapedz­a mukati menziyo dzakawanda takakwenen­z- vera rinonzi Denga Razarurwa iro rine nziyo sere,” anodaro Chokumanya­ra.

Chokumanya­ra anoti padambaref­u rake iri kambo kenhangaru­vanze kanonzi Denga Razarurwa, kachitever­wa nedzimwe dzinosanga­nisa Makomborer­o, Nhai Mwariwee naTirangar­ireiwo.

Muimbi uyu anoti dzimwe nguva anohaiwa achinoridz­a kune mamwe machechi achishandi­sa midziyo yavo yekuridzis­a uye hapana kubhadharw­a kwavanoitw­a.

“Chinangwa changu semuimbi asati azivikanwa nekusimuki­ra uyewo ndichirara­ma nehupofu ndechekuti ndiwane zvekuridzi­sa nemotokari yekuzotaku­risa midziyo. Ndinoda kufamba kunzvimbo dzakasiyan­a muno munyika ndichiraki­dza hunyanzvi hwangu uye ndinoshuvi­rawo kuzoita mukurumbir­a sezvakaita vamwe vane mazita ekuimba dzimbo dzechitend­ero,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Nekufamba kwenguva, ndinoda kuzotorawo vamwe vechidiki vemuchechi medu ndichivadz­idzisa kuridza magitare nengoma.”

Kune vanoda kubatsira Chokumanya­ra vanokwanis­a kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 956 787.

 ??  ?? Washington Chokumanya­ra
Washington Chokumanya­ra

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe