Kwayedza

Kurima lettuce nemazvo

- Clemence Mucharedze­yi

LETTUCE (lactuca sativa), chirimwa chinonzi chakabva nekumabvaz­uva sekuIndia, inorimirwa mashizha ayo anondyiwa ari mambishi musaradhe (salad). Ine zvinovaka muviri zvakaita seVitamin A nezvimwewo.

Mamirire ekunze:

Lettuce anowanzoda kurimwa munguva yechando kana kuti kusinganya­nyi kutonhora. Kambani yenyu yePrime Seed Co panyaya dzenhondo dzemumabin­du ine mhando dzembeu dzelettuce dzinorimwa gore rose.

Sezvandare­va kuti lettuce inoda muchando, kudzimwaya dzinobuda kunge dziri kudzingiri­rana. Dzinonyany­a kubuda zvakanaka pamatonhor­ere ekunze angaita kubva pa15°C kusvike pa25°C. Mamiriro ekunze aya anoita kuti nhondo dzibude zvakanakis­a. Kana kuchinyany­a kupisa, nhondo dzinokona kana kutadza kubuda.

Ivhu rakanakira lettuce:

Lettuce inoda kusimwa muivhu rakadzama kuitira kuti midzi igonyatsod­zika pasi zvichizoba­tsira pakuwana hunyoro. Ivhu iri ringava nekutapira kungaite 6.5pH. Kurimira muivhu rine mupfudze zvakanyany­a kunaka nekuti zvinoita kuti chirimwa ichi chiite mashiripit­i pakukura.

Mhando dziri kuPrime Seed Co:

Kurima nePrime Seed Co kurima mari uye tine mhando dzinoti;

Saula - iyi imhando ine ruvara rwakasvibi­rira uye Inoiswa muchikamu chechuruch­emazaya (Iceberg) idzi dzinobumba zvakanakis­a. Ine dzoro bhangu izvo zvinoita kuti imhanyirwe kumusika. Pakuidya unonzwa ichiti shwakashwa­ka. Inoibva

nemazuva makumi mashanu uye yakasimba kuzvirwere zvezaza.

Challenge - iyi inopinda mudanga rechuruche­zaya (Iceberg), mutsauko uri pakuti inotora nguva yakareba isati yashata mumunda asi iyo yaibva. Inochimbid­za kusvika mumazuva 40 kusvike 50. Yakasvibir­ira uye musoro wayo unorema nekuti wakakura zvakare wakatsindi­rika.

Lollo Rosa - iyi yakasiyana nedzimwe, mashizha ayo haanyatsi kufumba zvekare yakapfava semvere dzetsuro. Ine ruvara rwakatsuka kunge tsombori dzaibva. Inoyevedza kutarisa uye ukakanda mukanwa, kudya namambo. Inokasika kuibva uye iine humhizha kubva kuzvirwere.

Great Lakes - iyi mbeu yatekesher­a kuvarimi vakuru. Inopinda zvakare mudanga Iceberg. Inotora nguva isati yatumbuka. Musoro wayo wakaoma pane dzose uye wakakura. Inotora nguva yakati darikei dzimwe mhando kuti iibve.

Lollo Blonda - iyi ndeimwe mhando ine musoro uri pakati nepakati. Mashizha ayo akafaranuk­a asi iine musoro unobumba. Ine karuvara kepfumvudz­a kana kuti mazhizha matsva asina kunyanya kusvibira zvinoita kuti iyevedze pakutenges­a. Inochimbid­za kuibva, ichikwanis­a kuzvidzivi­rira kuzvirwere.

Laruna - musoro wayo wakaregedz­era, ndiyo mazvikokot­a dapirakuna­nzva ichirimwa kutanga munaNdira kusvike Zvita. Mashizha ayo akatodza huswa, haana kunyanya kusvipira. Musoro wayo haubumbi. Izvi zvakanakir­a kuti mashizha ayo anoita ruvara rwakafanan­a kupinda mukati. Ndeyekuti chero mukaiisa mumafiriji, inogara kwenguva refu isati yashata. Inoita mazuva makumi mana nesere kuti iibve, murimi otoenda nayo kumusika. Apa ndingati Prime Seed Co yakaisa hunyanzvi nehumhizha pakuiuchik­a.

Kugadzirir­a nhondo:

Mwaya nhondo mumihomba yakanaka ine ivhu rakatsetse­ka. Diridzira zvishoma nezvishoma kuitira kuti nhondo dzisarover­we pasi nemvura. Munogona kudzimwair­awo mumafloati­ng trays. Panopera vhiki nhondo dzinotanga kumera. Kwapera mavhiki matatu tinokurudz­ira kuti mudzinyime mvura kuitira kuti tichigadzi­rira kudzisima mumunda chaimo.

Kuparadzir­a nhondo mumunda:

Tichiti mangwana tiri kuparadzir­a nhondo, tinodzidir­idza tomwaya mushonga unoita kuti tidzivirir­e kuzvirwere pazvironda zvichaitik­a pakusima. Tinoisa mumitsara yakapamham­a 30cm dziri mumutsara asi dzakasiyan­a nema 25cm pakati padzo. Tinokurudz­ira varimi kuti vaparadzir­e nhondo mangwanani kusati kwava kupisa kana kuti manheru kuitira kuti dzisatsve nekudziya kwekunze.

Fetireza:

Lettuce inoda kudya kwakakwana kuti ibude zvakanaka. Pakuparadz­ira nhondo ndipo patinoisa fetireza yepasi. Iyi tinoisa yose pakusima - Compound C (6:28:23). Mwero wayo ndiwo unoti 600kg pandima yakakura kunge nhandare yenhabvu. Pakuisa fetireza iyi ndipo pane basa rose asi risinganet­si. KuPrime Sedd Co tinoti kana machera gomba moisa fetireza mugomba, moisa ivhu shoma kuitire kuti nhondo dzisasanga­ne nefetireza.

Kudiridzir­a:

Lettuce yedu inokasika kuibva, izvi zvinokonze­rwa nekuti maHybrids uye ane goho zvekare ruvara rwacho rwunoyeved­za. Mbeu dzose dzePrime Seed Co dzinotora nguva yakareba dzaibva asi dzisati dzashata izvo zvinopawo murimi mukana wekutsvaga musika wakanaka.

Kana mava kuikohwa mumunda, munocheka achiri mangwanani apo kunenge kusati kopisa, moendesa panzvimbo inotonhore­ra. Bvusai ivhu rakaita semhukutu rekumunda zvinyorony­oro.

Kurima Prime Seed Co kurima mari!

Clemence Mucharedze­yi murimisi wePrime Seed Co kuManicala­nd uye anobatika pa: 0718409761

 ??  ?? Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti vasasiye chirimwa chelettuce chichiomer­wa nekushaya mvura.
Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti vasasiye chirimwa chelettuce chichiomer­wa nekushaya mvura. Mvura inodiwa kuti mwando ugare uri pakanaka.
Kukohwa lettuce:
Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti vasasiye chirimwa chelettuce chichiomer­wa nekushaya mvura. Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti vasasiye chirimwa chelettuce chichiomer­wa nekushaya mvura. Mvura inodiwa kuti mwando ugare uri pakanaka. Kukohwa lettuce:

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe