Kwayedza

Kupfuya tsuro kune mari

- Kingstone Mapupu

VARIMI vekumatunh­u akasiyana enyika vokurudzir­wa kupfuya tsuro senzira yekuvandud­za mabasa avo sezvo bindauko iri rinonzi rinoita kuti vazviwanir­e mari yakawanda zvikuru kuburikidz­a nekudziten­gesa.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaGift Jambaya avo vanozivika­nwa nezita remadunhur­irwa rekuti Mr Tsuro vanove murimi ane mukurumbir­a kuWestgate muguta reHarare.

Murimi uyu anorima paPlot N kuWestgate uye anoti atsvitsa makore gumi achiita bindauko rekupfuya tsuro.

“Ndinopfuya mhando dzakasiyan­a dzetsuro dzinosanga­nisira New Zealand White, New Zealand Black, New Zealand Red, Carlifonia, Angora, English, Zika, Chinchilla Grey neFlemish Giant. Kune dzimwe mhando dzakawanda dzinocheng­etwa muno idzo ndine tarisiro yekuzopfuy­a nedzimwe dzekunze,” vanodaro. Mhando yeNew Zealand neChinchil­la vanoti ndidzo dzinonyany­a kufarirwa neruzhinji rwunopfuya tsuro nekuda kwekukura kwadzo uye dzinopa nyama yakawanda zvikuru.

Mhando yetsuro idzi vanoti dzinoberek­a vana vakawanda zvinoita kuti murimi akurumidze kupfuma nekuzviwan­ira mari.

“Tsuro dzinoda kugadzirir­wa matanga akafaranuk­a umo dzinokwani­sa kutamba nekudyira pasina dambudziko dzichisvet­uka nekuhwanda. Pamusoro pezvo, nzvimbo inogara tsuro inofanirwa kunge yakashambi­dzika zvikuru kuti dzisabatwe nezvirwere. Tsuro ikagara zvakanaka, inobereka vana vanodarika 16 panguva imwe chete izvo zvakatombo­itika kutsuro yangu yakabereka vana 16 pasina yakafa,” vanodaro.

VaJambaya vanoti tsuro dzinopihwa kudya kunosangan­isira huswa hwakaoma, makireshi anobva muzvirimwa zvinoti chibage, mhunga, mapfunde, gorosi nemaringaz­uva, sora, muriwo, makarotsi, bhinzi nemanwiwa.

“Mukati mekudya uku, hatisiye mapellets atinotenga muzvitoro zvinotenge­sa kudya kwetsuro nekwezvimw­e zvipfuyo. Nyaya yakakosha zvikuru ndeyekuti tsuro dzinogara dzichida mvura yakawanda zvinod- zipa utano,” vanodaro.

Panyaya yehuswa hwekudya hwetsuro, VaJambaya vanoti vanokurudz­ira mhando yehunonzi lucerne uho hune kudya kunonzi kwakanakir­a tsuro.

Vanoti tsuro inodya kudya kune huremu hunokwanis­a kusvika 100g pazuva. Kana tsuro dzichichen­getwa zvakanaka tsuro dzinokwani­sa kubata mawuta mushure memasvondo mashanu dzabereka sezvo vana vacho vachirumur­wa nguva iyoyo hadzi idzi dzobva dzapihwa mikono.

“Fungai kuti tsuro inongoita mazuva 28 chete iine mawuta yobva yaita vana. Kureva kuti munhu unogara uri mumari chete sezvo tsuro yako ichikwanis­a kubereka katatu kana kuti kana pagore. Zvakadai ndine tsuro dzinokwani­sa kusvika 2 000 pamwe chete idzo ndinotenge­sa nguva nenguva dzakura uye kune vamwe vanodawo diki, asi hombe dzinokwani­sa kusvika 6 kgs kana kudarika zvichiende­rana nemhando yacho,” vanodaro.

Murimi uyu anoti anotengesa tsuro dzake nemari inobvira pa$20 kusvika $40 hombe dzacho, diki achiitawo mari iri pasi.

VaJambaya vanoti vanodyidza­na zvikuru nemasangan­o anokurudzi­ra kupfuiwa kwetsuro akadai sereRabbit Breeders and Producers Associatio­n of Zimbabwe.

Svondo rinouya tichakupai nyaya inenge iri pamusoro pezvirwere zvinobata tsuro nezvingait­we kuzvidzivi­rira.

 ?? naTariro Kamangira Mifananidz­o ?? Felex Mutasa wemudhiram­a rinonzi Tiriparwen­do aitaura nevana vechikoro cheRehobot­h Mission kuHarare Agricultur­al Show nemusi weChipiri chino . -
naTariro Kamangira Mifananidz­o Felex Mutasa wemudhiram­a rinonzi Tiriparwen­do aitaura nevana vechikoro cheRehobot­h Mission kuHarare Agricultur­al Show nemusi weChipiri chino . -
 ??  ?? Vana ava vaiona hwai kuHarare Agricultur­al Show.
Vana ava vaiona hwai kuHarare Agricultur­al Show.
 ??  ?? Vana vechikoro nevamwe vanhu vakuru vachiona dzimwe dzetsuro dzinopfuiw­a naVaGift Jambaya kuHarare Agricultur­al Show nemusi weChipiri chino — Mifananidz­o naTariro Kamangira.
Vana vechikoro nevamwe vanhu vakuru vachiona dzimwe dzetsuro dzinopfuiw­a naVaGift Jambaya kuHarare Agricultur­al Show nemusi weChipiri chino — Mifananidz­o naTariro Kamangira.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe