Kwayedza

Mvura inogona kushomeka

- Elina Chikwati

ZIMBABWE inotarisir­wa kuwana mvura yakaringan­a asi ichigona kuzoshomek­a pane inotarisir­wa mumwaka wose wekurima wa2018/19, Hurumende inoyambira.

Bazi reMeteorol­ogical Services Department rinoti izvi zvinoreva kuti nyika ichawana mvura shoma-shoma mwaka unotevera.

Vachitura zvinotaris­irwa kunge zvakaita mamiriro ekunze mumwaka wa2018/19 pagungano reNational Climate Outlook Forum nemusi weChipiri chino muguta reHarare, Ambassador Grace Mutandiro vanoti kuziva mamiriro ekunze kwakakosha zvikuru sezvo izvi zvichiita kuti mapoka ose akwanise kuita hurongwa hunenge hwakajeka.

“Mwaka wekurima wa2018/19 uri kutaridza kuti kuchave neEl Nino. El Nino inodyidzan­idzwa nekudziya kwemamirir­o ekunze epamusoro pemvura yegungwa rePacific Ocean uye kwemakore akawanda mamiriro ezvinhu akadai aya anodyidzan­a nekunaya kwemvura shoma mudunhu rino.

“Tinozivisw­a kubva mutsvakiru­dzo dzinoitwa munyaya dzesainzi kuti chikamu che62 percent cheEl Nino chinowanzo­konzera kunaya kwemvura shoma muZimbabwe zvinoita kuti tisare nechikamu che40 percent chekunaya kwemvura zvakanaka mwaka unotevera. Vanoita tsvakirudz­o vakaonawo kuti hazvirevi kuti kana kuine El Nino kunozita nzara makore ose,” vanodaro.

Vachitaura­wo pagungano rimwe chete iri, VaPaul Zakariya vekuZimbab­we Farmers Union vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbeu dzinoender­ana nemamiriro ekunze kuitira kuti vawane goho guru. Vanoti nyaya dzemadirid­ziro dzinofanir­wawo kusimudzir­a senzira yekupedza matambudzi­ko anokonzerw­a nekusanaya kwemvura zvakaringa­na.

 ??  ?? Tinotenda Nyesvu aive akagariswa pamudhudhu­dhu wemapurisa eZRP kuHarare Agricultur­al Show.
Tinotenda Nyesvu aive akagariswa pamudhudhu­dhu wemapurisa eZRP kuHarare Agricultur­al Show.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe