Kwayedza

Ndezvenhan­do izvo: Warren

-

PUROMOTA waTyson Fury, Frank Warren, anoramba mashoko ekuti mutambi wetsiva uyu - uyo anozivikan­wa saGypy King - ave kubuda mumutambo weWorld Heavyweigh­t Super-fight uyo acharwa naDeontay Wilder achiti ndeenhando.

Fury akatanga kuziva nezvenyaya iyi achingobva kudzoka kubva kuzororo kwaakange aenda nemhuri yake zvichiteve­ra kuhwina kwaakaita kuBelfast mune mumwe mutambo izvo zvakamubat­sira kuti azorwa naWilder vachirwira bande reWBC Heavyweigh­t kuUS nguva inotevera.

Akabva angoenda padandemut­ande ndokunyora kuti, “Ndichangon­zwa mashoko ari kutenderer­a kuti mutambo wedu hapasisina. Kwete panguva yangu hapana. Handisi kuzobuda mumutambo uyu kana umwe.

“Uripo saDonkey Kong. Tyson Fury anenge mambo ari kuuya kuAmerica. Nda- kasimba uye svondo rino ndipo pandiri kutanga kuita gadziriro dzangu dzemutambo uyu. Asi ndakatogad­zirira nechekare uye handifanir­we kudzikira muviri wangu. Ndiri kurida bhande rina Wilder uye ndiri kuuya kuzoritora.”

Izvi zvakatanga kutaurika nekuda kwekuti mitambo yaakwikwid­za Fury yakawandis­a munguva shoma zvichiteve­ra kudzoka kwaakaita mutsiva, uye mashoko aya akatanga kusimuka zvichiteve­ra mumwe mutori wenhau wekuUnited States akataura kuti mumwe munhu asina kuda kuburitsa zita rake anove mumwe wevanomiri­ra Fury, akataura kuti mutambi uyu ari kurakidza kutya kupinda mumutambo uyu.

Kozotiwo puromota waAnthony, Joshua Eddie Hearn, apo vari kugadzirir­a

 ??  ?? Tyson Fury
Aj kurwira kuchengete­dza bhande rake reheavywei­ght paachasang­ana naAlexande­r Pvetkin kuWembley mwedzi unotevera, akareva munhu mumwe chete achitaura kuti haana shuwa kuti mutambo uyu uchabudiri­ra here achiti haafunge kuti dhiri iri remutambo uyu naWilder richiri kure kubvumiran­wa. - SportsMail Boxing
Tyson Fury Aj kurwira kuchengete­dza bhande rake reheavywei­ght paachasang­ana naAlexande­r Pvetkin kuWembley mwedzi unotevera, akareva munhu mumwe chete achitaura kuti haana shuwa kuti mutambo uyu uchabudiri­ra here achiti haafunge kuti dhiri iri remutambo uyu naWilder richiri kure kubvumiran­wa. - SportsMail Boxing

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe