Kwayedza

MUPOROFITA AKAPA VANA ‘POISON’

... vavhiringa muteuro

- Kingstone Mapupu

MUPOSITORI weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe wekwaChinh­amora, kuDombosha­va, ari kunzi akadya magaka mambishi apo mwana wake akatambisa muteuro wake wenhombo yaigara yakaiswa muchoto zvikaita kuti apise mwana uyu mumawoko nekuisira vamwe vana vake vatatu muchetura muchinwiwa.

Hazvina kuperera ipapo — madzibaba uyu akazopedze­ra shungu paimbwa dzake mbiri idzo akatema nedemo dzikafa.

Vana ava vanonzi vakazonopo­nera kuchipatar­a cheMakumbe Mission Hospital uko vakaita mazuva vachirapwa.

Zvakabuda pachena kuchipatar­a uku kuti vana ava vakadya muchetura.

Madzibaba Jethro Enock Marimo (38), uyo akatosungw­a nemapurisa nekuda kwenyaya iyi, anonzi ane mhiko dzaange akapihwa nemaporofi­ta ekuchechi kwake kusowe rePrangada­i kana kuti Esinayi dzekuti anogarisa dombo kana kuti nhombo muchoto nguva dzose.

Nhombo iyi yaibviswa muchoto bedzi panobviswa dota, asi ichidzoser­wa pose panokuhwid­zwa mumwe moto.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi.

“Tinayo nyaya yemurume anonzi Jethro Enock Marimo, uyo ari kunzi akapisa mwana wake nedombo senzira yekumurang­a kuti ainge apwanya nhombo yemuteuro wake. Mwana uyu akatsva mawoko,uye murume uyu zvakare ari kupomerwa mhosva yekuisira vana vake muchetura muchinwiwa vakarwara.

“Anonziwo akazouraya imbwa dzake nekuda kwenyaya yekuti akanga apwanyirwa dombo remuteuro wake, iye akazonozvi­pira oga kumapurisa edu kuShowgrou­nd (kuDombosha­va) uko akasungwa. Nyaya iyi iri kuferefetw­a apo iye akachenget­edzwa nemapurisa uye anotarisir­wa kupinda mudare redzimhosv­a munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mwanza.

Karen Sekerere (36) — uyo anova mudzimai waMadzibab­a Jethro — anotsinhir­a kuti murume wake akapisa mwana wavo mawoko achishandi­sa nhombo yainge

yakatsvuka moto iyo akabura muchoto uyewo nekuti akauraya imbwa dzake mbiri nehasha apo akadzitema nedemo nekurova netsvimbo. Mushure akazopa vana chinwiwa chaainge aisa muchetura.

“Ichokwadi, murume wangu ndakamuwan­a apisa mwana wedu ane makore 9 okuberekwa mawoko

nedombo iro akabura richipisa muchoto.

“Dombo iri akaribura muchoto nechimuti, ndokuti mwana aribate nezvanza zvake. Mwana akasvapuka akaita matuzu mumawoko ndikanomur­apisa kukiriniki yekwaNyaur­e. Pamusoro pezvo, baba vakazopa vana chinwiwa chinofungi­dzirwa kuti chaiva nemuchetur­a apo

vana vakarwara zvikuru ndikaenda navo zvakare kuchipatar­a chekwaMaku­mbe.

“Musi wakapihwa vana ava muchetura nekupiswa kwemumwe wavo, uye kuzouraiwa kwembwa mbiri imwe chete ikatiza, ini ndainge ndaenda kurufu,” anodaro mudzimai uyu.

Endai kuPeji 7

 ??  ??
 ??  ?? Talon Marimo
Talon Marimo
 ??  ?? Karen Sekerere
Karen Sekerere
 ??  ?? Nhau Marimo
Nhau Marimo
 ??  ?? Madzibaba Joel Matiyenga
Madzibaba Joel Matiyenga
 ??  ?? Lucia Marimo
Lucia Marimo
 ??  ?? Insp Mwanza
Insp Mwanza
 ??  ??
 ??  ?? Disney Marimo achiratidz­a maoko anonzi akapiswa nababa vake nenhombo. — Mifananidz­o naNicholas Bakili.
Disney Marimo achiratidz­a maoko anonzi akapiswa nababa vake nenhombo. — Mifananidz­o naNicholas Bakili.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe