MUPOROFITA AKAPA VANA ‘POISON’
... vavhiringa muteuro
MUPOSITORI weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe wekwaChinhamora, kuDomboshava, ari kunzi akadya magaka mambishi apo mwana wake akatambisa muteuro wake wenhombo yaigara yakaiswa muchoto zvikaita kuti apise mwana uyu mumawoko nekuisira vamwe vana vake vatatu muchetura muchinwiwa.
Hazvina kuperera ipapo — madzibaba uyu akazopedzera shungu paimbwa dzake mbiri idzo akatema nedemo dzikafa.
Vana ava vanonzi vakazonoponera kuchipatara cheMakumbe Mission Hospital uko vakaita mazuva vachirapwa.
Zvakabuda pachena kuchipatara uku kuti vana ava vakadya muchetura.
Madzibaba Jethro Enock Marimo (38), uyo akatosungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi, anonzi ane mhiko dzaange akapihwa nemaporofita ekuchechi kwake kusowe rePrangadai kana kuti Esinayi dzekuti anogarisa dombo kana kuti nhombo muchoto nguva dzose.
Nhombo iyi yaibviswa muchoto bedzi panobviswa dota, asi ichidzoserwa pose panokuhwidzwa mumwe moto.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezvenyaya iyi.
“Tinayo nyaya yemurume anonzi Jethro Enock Marimo, uyo ari kunzi akapisa mwana wake nedombo senzira yekumuranga kuti ainge apwanya nhombo yemuteuro wake. Mwana uyu akatsva mawoko,uye murume uyu zvakare ari kupomerwa mhosva yekuisira vana vake muchetura muchinwiwa vakarwara.
“Anonziwo akazouraya imbwa dzake nekuda kwenyaya yekuti akanga apwanyirwa dombo remuteuro wake, iye akazonozvipira oga kumapurisa edu kuShowground (kuDomboshava) uko akasungwa. Nyaya iyi iri kuferefetwa apo iye akachengetedzwa nemapurisa uye anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mwanza.
Karen Sekerere (36) — uyo anova mudzimai waMadzibaba Jethro — anotsinhira kuti murume wake akapisa mwana wavo mawoko achishandisa nhombo yainge
yakatsvuka moto iyo akabura muchoto uyewo nekuti akauraya imbwa dzake mbiri nehasha apo akadzitema nedemo nekurova netsvimbo. Mushure akazopa vana chinwiwa chaainge aisa muchetura.
“Ichokwadi, murume wangu ndakamuwana apisa mwana wedu ane makore 9 okuberekwa mawoko
nedombo iro akabura richipisa muchoto.
“Dombo iri akaribura muchoto nechimuti, ndokuti mwana aribate nezvanza zvake. Mwana akasvapuka akaita matuzu mumawoko ndikanomurapisa kukiriniki yekwaNyaure. Pamusoro pezvo, baba vakazopa vana chinwiwa chinofungidzirwa kuti chaiva nemuchetura apo
vana vakarwara zvikuru ndikaenda navo zvakare kuchipatara chekwaMakumbe.
“Musi wakapihwa vana ava muchetura nekupiswa kwemumwe wavo, uye kuzouraiwa kwembwa mbiri imwe chete ikatiza, ini ndainge ndaenda kurufu,” anodaro mudzimai uyu.
Endai kuPeji 7