Kwayedza

‘Chikwambo chinobota mwana chibharo’:

‘Handina kubhinya mwana . . .’

- Sukulwenko­si Dube-Matutu ari kuGWANDA

MURUME wekuKezi ane makore 52 okuberekwa — uyo ari kupomerwa kubata chibharo mwanasikan­a wake ane makore 11 kaviri — ari kuramba mhosva iyi achiti mwana uyu akabhinywa nezvikwamb­o.

Murume anogara mubhuku raTshelany­emba uyu ari kupomerwa mhosva yekubata mwanasikan­a wake chibharo uyo waasingaga­re naye.

Anonzi akapara mhosva iyi apo akange ashanyirwa nemwana uyu.

Zvinonzi murume uyu — uyo watisingad­ome zita rake nekuda kwekucheng­etedza kodzero dzemwanasi­kana wake — akabhinya mwana uyu kaviri, vari pamba nepavaibva kuchechi.

Murume uyu anoramba mhosva yaari kupomerwa apo akamira pamberi pemutongi mukuru wedare reGwanda Magistrate­s’ Court, Mark Dzira.

Kutongwa kwenyaya yake kuri kuenderera mberi apo anenge ari muchizarir­a.

Mukuzvidzi­virira, murume uyu anoti haana kunge aonana nemwanasik­ana wake mumazuva aari kupomerwa kuti akamubata chibharo.

“Musi wa13 Kubvumbi ndakapedza zuva rose ndiri pabasa uye handina kuona mwanasikan­a wangu sezvo asina kundishany­ira sezviri kutaurwa. Munguva dzehusiku, ndakatambi­ra nhare ichiti mwanasikan­a wangu akange achiita zvinhu zvisinganz­wisisike apo anonzi akatiza kubva mumba achibuda nepahwindo achiti pane zvikwambo zvaimurwis­a.

“Musi uri kunzi ndakamubat­a chibharo tichibva kuchechi handina kuita sekudaro. Ndakapedza zuva rose ndichiraur­a hove neshamwari yangu uye ndakazotor­a dzimwe hove ndikaenda nadzo kunogara mwanasikan­a wangu ndikanodzi­siya ikoko apo aive nemunhu waanogara naye.

“Sezvo akarwiswa nezvikwamb­o, zviri pachena kuti ndizvo zvakamubat­a chibharo, kwete ini,” anodaro.

Murume uyu anoti akashamisi­ka achiona mapurisa achisvika pamba pake vachiti vainge vamusunga nemhosva yekubata mwanasikan­a wake chibharo.

Muchuchisi Pearson Chekeya anoti murume uyu anonzi akabata chibharo mwanasikan­a wake ari kuita Grade 6 nemusi waKubvumbi 13 na14.

“Musi wa13 Kubvumbi mwana uyu anonzi akashanyir­a baba vake kumba kwavo sezvo vasingagar­e pamwe chete. Baba vake vanonzi vakati auye muimba yavo yekurara ndokumubat­a chibharo. Vanonzi vakamutyis­idzira kuti asawane waanotauri­ra nezvechiit­iko ichi.

“Muzuva rakatevera, zvinonzi mwanasikan­a uyu akaenda kuchechi nababa vake uye pavakange vodzoka, vakamuti avapereked­ze kunotsvaga huni musango. Murume uyu anonzi akabata zvakare mwanasikan­a wake chibharo ndokubva amuudza kuti aende kumba,” anodaro.

Muchuchisi Chekeya anoti gure iri rakazobuda pachena musi wa21 Kubvumbi apo imwe hama yemwana uyu yakaona achinetsek­a kufamba.

Mwana uyu akabva ataura zvainge zvaitika.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa murume uyu achibva asungwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe