Kwayedza

NYAMA YEMBWA KUNAKA

rVobvubvud­zana kuitenga

- Belinda Moyo naThandeka Matebesi

HUWANDU hwevanhu vari kufarira nyama yembwa huri kuwanda paimwe nzvimbo iri pedyo neWestgate, kuBulawayo, uko kune murume ari kuita bhizinesi rekutenges­a nyama iyi.

Murume uyu anoti veruzjinji – kunyanya vanhukadzi vari mumabhinda­uko ekuzvishan­dira – vari kunohodha nyama yembwa kwaari vachinoite­ngesa kunzvimbo dzinobikwa zvekudya dzinowanzo­shanyirwa nemakoroko­za kuNkayi, kuMatabele­land North.

Murume wekuBulawa­yo uyo anongozivi­kanwa saNdebele akatovamba bhizimisi rekuvhiya imbwa, nyama yacho achitenges­era veruzhinji panzvimbo inorasirwa nekuvigirw­a imbwa dzinenge dzafa nesangano reSociety for the Prevention of Cruelty to Animals (SPCA).

Gore rapera, Ndebele akambobuda muKwayedza nemumamwe mapepanhau apo akasungwa nenyaya yekufukunu­ra imbwa dzinenge dzavigwa neveSPCA idzo anovhiya, nyama yacho achizoteng­esera vanhu – vamwe vacho vanenge vasina ruzivo rwekuti inyama yembwa.

Murume uyu anonyepera kuita semurwere wepfungwa kana vanhu vakasvika paari, asi akange agutsikana kuti ikasitoma inenge ichida nyama zvechokwad­i, anobva atanga kutaura nezvemiten­go yacho.

Nguva pfupi yadarika, vatori venhau vakashanyi­ra murume uyu apo pakutanga akanyebedz­era kunge munhu asingagone kutaura kusvikira azogutsika­na kuti vaida kutenga nyama, ndokutanga kutaura nezvemiten­go yacho.

“Mitengo yangu yakasiyana, zvinoender­ana nepurofiti yaunowana kubva pa10kg yenyama yakaomeswa. Asi nhasi kana muchida nyama, munogona kuitora henyu mahara nekuti ndangosara neiyoyi yatsva nemoto wesango,” anodaro Ndebele achitaridz­a nyama yainge yakasasikw­a pamiti.

Ndebele anoti anohodhesa nyama iyi kune vatengi vekuNkayi, avo vanozoenda kunoitenge­sera kumakoroko­za eko.

Anoti vamwe vatengi vake vanotori vanhu vakuru kwazvo muguta reBulawayo.

“Vanototyai­ra motokari mbishi,” anodaro Ndebele, zvisinei nekuti ari kuchema-chema nenyaya yekushungu­rudzwa nemapurisa nguva zhinji.

“Bhizinesi rangu riri kukanganis­wa nemapurisa avo vanombouya vachindito­rera nyama yangu. Asi ndinoramba ndichiteng­esa nekuti zviri kundipa mari.

“Ndinovimba kuti vachandinz­wisisa nekuti handina rimwe bhindauko rinondipa mari seiri,” anodaro Ndebele.

Zvinoratid­za sekuti Ndebele haasi oga ari mubhizimis­i iri sezvo vatori venhau vakaenda kunovigwa imbwa vakawana mumwezve murume achangobva mukufukunu­ra mutumbi wembwa yainge yafushirwa. Zvisinei, Ndebele akazorova bara otiza mushure mekunge aona kuti aitorwa mifananidz­o.

Mumwe anoziva nezvemadhi­ri enyama yembwa, anoti kune vanhu vakawanda vanoenda panzvimbo inovigwa imbwa iyi vachinofuk­unura nekutora mitumbi yadzo.

“Ndebele ndiye ega anowanikwa ari panzvimbo iyi, anovhiya achizoteng­esa nyama yacho asi kune vanhu vakawanda vanouya vachifukun­ura imbwa idzi. Zviri kutoshamis­a kuti sei veSPCA kana vekanzuru vasingaise fenzi (ruzhowa) panzvimbo iyi kuti isangosvik­wa nevanhu vose-vose nekuti zviri pachena kuti nyama iyi iri kutengeser­wa vanhu vachitodya, vamwe vacho vasina ruzivo,” anodaro.

Mumwedzi waNyamavhu­vhu gore rapera, mumwe mukuru anoona nez- vemhuka akayambira vanhu kuti vasiyane nenhau dzekudya nyama yembwa achiti zvinogona kukonzera huhwere.

Mukushi wemashoko kukanzuru yeBulawayo, Mai Nesisa Mpofu, vanoti vari kuronga kuti nzvimbo iyi ichengeted­zwe sedanho rekudzivir­ira kuti vanhu vasadyiswe nyama yembwa.

Ndebele paakasungw­a gore rapera nenyaya yekutenges­a nyama yembwa, mumwe mupurisa wekanzuru akarohwa nevarume vatatu avo vainge vaenda vachida kufukunura imbwa panzvimbo iyi.

 ??  ?? Murume uyu (asiri kunyatsoon­eka pamufanani­dzo) ainongedze­ra nyama yembwa yainge yakasasikw­a kuti iome muchisango chiri kuSizinda, kuBulawayo, nemusi weChishanu wadarika.
Murume uyu (asiri kunyatsoon­eka pamufanani­dzo) ainongedze­ra nyama yembwa yainge yakasasikw­a kuti iome muchisango chiri kuSizinda, kuBulawayo, nemusi weChishanu wadarika.
 ??  ?? Ndebele
Ndebele

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe