Tiudzei 0714 200 007
ED PFEE, makorokoto mukuru. Zvinokudzwa garwe. — Beatrice Zvihwati.
*** Kwayedza muri mutunhu une mago, makanyanya! Ndinodawo kukwazisa vose vanondiziva neshamwari dzangu dzinoti Villa, Yallar, Terry Guns nevamwe. — 0713 392 632.
*** Makadii veKwayedza? Zvimwe zvese muri kugona, asi panyambo matirasa veduwee. — Buju, Chitamba Farm, paGan’a.
*** Makadini veKwayedza? Ndinotsvagawo hama yangu inonzi Bigboy Murashiki. Kana pane anozivawo kwaari kana kuti iye aona ichi chiziviso ngaandibate pa0773 834 011.
***
More fire Kwayedza, munotipasa manyemwe. — Michael
Muzembi, Masvingo.
***
Nyaya yemwana akawanikwa akafa kuDZ Extension yakazobuda pachena kuti akapondwa nani? Dzokerai munonzwa. — 0772 490 599, Flavian Gwimbi.
*** Makanyanya veKwayedza. Iyo yekuGokwe toda kuinzwa kwainoperera. Yakanyanya mhani! — 0784 403 069.
*** Makadini veKwayedza? Ndinoda kukutendai zvikurusa nekukoshesa zvido zvevaverengi vebepa renyu. Makandigonera nekutiburitsira nyaya yemusha waKempton Mutambara mushure mekunge ndambonyora ndichikumbira kuti tizive kuti vari kurarama sei pari zvino. Rambai makadaro, muri chidadiso. — 0716 766 615.
*** Kwayedza makuseri, rambai makadaro. — Tadex Bee, Glen Norah.
*** Ndinotsvagawo hama dzamai vangu vainzi Angela Wateya vaigara kuMabvuku. Vangaitawo ruzivo nezvavo ngavandibate pa0779 019 557.
*** Kwayedza makanyanya, ndimi mune yese. Nyaya yekudimurwa kwemwana heyi zvakaoma! Mwari pindirai. — Baba Luke, Stoneridge.
*** Makadii? Ndotsvagawo baba vangu vanonzi Godfrey Mushonga vanobva kuMt Darwin, ndinodawo kuzivawo verudzi rwangu. Vanovaziva ndibatei pa0715 137 158.
*** Kwayedza makumberi, rambai makatsika ipapo! Ndinoda kumhoresawo maForm 4 ese epaKanyemba Secondary School. Kamupfanha kekurova amai kakanyanya! Imi vanaamai nyaraiwo, shuwa kuonekwa nemwana shuwa, hamunyare? — Panashe Chitsinde, Chiweshe.
*** Kwayedza muri vahombe, tinokutendai nemabasa amunotiitira. — Luke Ngonidzashe Nyamburi, Chikukwa Village, Mutoko.
*** VeKwayedza makadii henyu? Ini ndinotsvakawo baba vangu vanonzi Nweton Mahachi, amai vangu vanonzi Mery Majona. Ndatambura ndibatsireiwo, nhamba dzangu 0736 661 885.
***
VeKwayedza mave kumberi. Mhuri yeZimbabwe ngatizvibate kwete kunyengedzana zvenhando nekuda kwezvematongerwo enyika. — Z. Makaza, Penhalonga.
*** Makadii veKwayedza? Ndotsvagawo mukoma vangu vanonzi Masauso Antamigu. Kana pane ane ruzivo nezvavo ngaandibate pa0777 058 653.
*** Tezvara vekushinha nemuroora avo vanotarisana sei nemwana vavo? Vakaoma mufunge, hausi mushonga here uyo? — Lazarus Chikwata, Epworth.
*** VaMabasa muri sei nebasa renyu? Ndinoda kukupai basa rekuti mundidzidzisewo kushandisa “v” na”w” ndinozvipesanisa, ndanzwa nekusekwa. Mukomana wangu zvinotomubhowa nekuti kana akandiudza handizvinzwisisi. Kwayedza ndimi mune yese. Pandaona macomments angu mupaper nhasi ndafara. Rambai muchingomaisa. – Petronella Tavaziva, Darwendale.