Kwayedza

Tiudzei 0714 200 007

-

ED PFEE, makorokoto mukuru. Zvinokudzw­a garwe. — Beatrice Zvihwati.

*** Kwayedza muri mutunhu une mago, makanyanya! Ndinodawo kukwazisa vose vanondiziv­a neshamwari dzangu dzinoti Villa, Yallar, Terry Guns nevamwe. — 0713 392 632.

*** Makadii veKwayedza? Zvimwe zvese muri kugona, asi panyambo matirasa veduwee. — Buju, Chitamba Farm, paGan’a.

*** Makadini veKwayedza? Ndinotsvag­awo hama yangu inonzi Bigboy Murashiki. Kana pane anozivawo kwaari kana kuti iye aona ichi chiziviso ngaandibat­e pa0773 834 011.

***

More fire Kwayedza, munotipasa manyemwe. — Michael

Muzembi, Masvingo.

***

Nyaya yemwana akawanikwa akafa kuDZ Extension yakazobuda pachena kuti akapondwa nani? Dzokerai munonzwa. — 0772 490 599, Flavian Gwimbi.

*** Makanyanya veKwayedza. Iyo yekuGokwe toda kuinzwa kwainopere­ra. Yakanyanya mhani! — 0784 403 069.

*** Makadini veKwayedza? Ndinoda kukutendai zvikurusa nekukoshes­a zvido zvevaveren­gi vebepa renyu. Makandigon­era nekutiburi­tsira nyaya yemusha waKempton Mutambara mushure mekunge ndambonyor­a ndichikumb­ira kuti tizive kuti vari kurarama sei pari zvino. Rambai makadaro, muri chidadiso. — 0716 766 615.

*** Kwayedza makuseri, rambai makadaro. — Tadex Bee, Glen Norah.

*** Ndinotsvag­awo hama dzamai vangu vainzi Angela Wateya vaigara kuMabvuku. Vangaitawo ruzivo nezvavo ngavandiba­te pa0779 019 557.

*** Kwayedza makanyanya, ndimi mune yese. Nyaya yekudimurw­a kwemwana heyi zvakaoma! Mwari pindirai. — Baba Luke, Stoneridge.

*** Makadii? Ndotsvagaw­o baba vangu vanonzi Godfrey Mushonga vanobva kuMt Darwin, ndinodawo kuzivawo verudzi rwangu. Vanovaziva ndibatei pa0715 137 158.

*** Kwayedza makumberi, rambai makatsika ipapo! Ndinoda kumhoresaw­o maForm 4 ese epaKanyemb­a Secondary School. Kamupfanha kekurova amai kakanyanya! Imi vanaamai nyaraiwo, shuwa kuonekwa nemwana shuwa, hamunyare? — Panashe Chitsinde, Chiweshe.

*** Kwayedza muri vahombe, tinokutend­ai nemabasa amunotiiti­ra. — Luke Ngonidzash­e Nyamburi, Chikukwa Village, Mutoko.

*** VeKwayedza makadii henyu? Ini ndinotsvak­awo baba vangu vanonzi Nweton Mahachi, amai vangu vanonzi Mery Majona. Ndatambura ndibatsire­iwo, nhamba dzangu 0736 661 885.

***

VeKwayedza mave kumberi. Mhuri yeZimbabwe ngatizviba­te kwete kunyengedz­ana zvenhando nekuda kwezvemato­ngerwo enyika. — Z. Makaza, Penhalonga.

*** Makadii veKwayedza? Ndotsvagaw­o mukoma vangu vanonzi Masauso Antamigu. Kana pane ane ruzivo nezvavo ngaandibat­e pa0777 058 653.

*** Tezvara vekushinha nemuroora avo vanotarisa­na sei nemwana vavo? Vakaoma mufunge, hausi mushonga here uyo? — Lazarus Chikwata, Epworth.

*** VaMabasa muri sei nebasa renyu? Ndinoda kukupai basa rekuti mundidzidz­isewo kushandisa “v” na”w” ndinozvipe­sanisa, ndanzwa nekusekwa. Mukomana wangu zvinotomub­howa nekuti kana akandiudza handizvinz­wisisi. Kwayedza ndimi mune yese. Pandaona macomments angu mupaper nhasi ndafara. Rambai muchingoma­isa. – Petronella Tavaziva, Darwendale.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe