Kwayedza

Akapondera tete dhishi

- Walter Mswazie ari kuMASVINGO

MURUME wechidiki wekwaChivi anonzi akaponda tete vake achiita vekurakash­a mumusoro nehuyo mushure mekunge vakakavadz­ana naye nekuda kwedhishi repurasiti­ki.

Mapurisa ari kuvhima nemaziso matsvuku Absalom Muvengwa (26) wemubhuku raRunesu, kwaMambo Madzivire, uyo anofungidz­irwa kuti anomborasi­ka njere.

Murume uyu anonzi akatema tete vake Shambadzir­ai Zinhuwe (74), vemubhuku rimwe chete iri nehuyo kakawanda mumusoro zvikakonze­ra kuti vafe.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMasvingo, Chief Inspector Charity Mazula, vanoti izvi zvakaitika mangwanani emusi weChitatu svondo radarika.

Vanoti mushure mekupara mhosva iyi, Muvengwa akabva atiza.

“Ndinotsinh­ira chiitiko chemurume akaponda tete vake pamusoro penyaya yedhishi rekugezera repurasiti­ki,” vanodaro Chief Insp Mazula.

Vanoti pazuva iri, Zinhuwe aiita mabasa ake epamba aine vamwe vehukama vanosangan­isira Thomas Mutamburir­o, Brighton Magura nemumwe mukomana ane makore 17 okuberekwa.

Chief Insp Mazula vanoti mukomana ane makore 17 okuberekwa uyu akazotora dhishi repurasiti­ki achida kunogeza asi Muvengwa – uyo aivewo pamba panguva iyi – anonzi akamurambi­dza kuti ashan- dise dhishi iri.

Muvengwa, vanodaro Chief Insp Mazura, akaudza murume uyu kuti akange atora dhishi risiriro asi akaita nharo achiti ndiro raaida kushandisa kugezera.

Chief Insp Mazuru vanoti pakaita kusanzwisi­sana pakati pemukomana uyu naMuvengwa zvikaita kuti varwisane.

Paakaona kuti ainge ave kukurirwa, murume uyu anonzi akabva atiza ndokunohwa­nda mumba.

Chief Insp Mazula vanoti Zinhuwe, uyo aive mumba panguva iyi, paakanzwa mhere-mhere yaive panze, akabva akabuda achida kuona zvaiitika, apo akaona Muvengwa akabata huyo achida kutema mukomana uyu.

Mukomana uyu anonzi akahwanda kuseri kwaZinhuwe uye Muvengwa paakapotse­ra huyo iya akapotsa ndokubva atema tete vake zvikaita kuti vapunzikir­e pasi.

Muvengwa anonzi akatanga kudzingani­sa mukomana uyu asi akatadza kumubata uye akaedza kurwisa Magura naMutambur­iro avo vakabva vatizawo zvakare.

Chief Insp Mazula vanoti Muvengwa akadzoka kumba apo akaona tete vake vachirere pasi vachirwadz­iwa zvikuru uye akabva atora huyo iya ndokuvatem­a-tema nayo kakawanda mumusoro.

Magura, Mutambiro nemukomana uye pavakazodz­oka kumba, vakawana Zinhuwe afa mutumbi wake uri mudivi reropa apo Muvengwa aive atotiza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe