Kwayedza

Zvakabuda pabvunzo dzeO-Level zvaveko

- Abigail Mawonde

ZVAKANYORW­A nevadzidzi mubvunzo dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec) dzeO-Level mumwedzi waChikumi gore rino zvakabuda uye vakuru vezvikoro vanokwanis­a kunozvitor­a kutanga nemusi weChitatu chino.

Sachigaro vebhodhi reZimsec, Professor Eddie Mwenje, vakazivisa nezvekubud­a kwezvakany­ora mubvunzo idzi.

“Bhodhi reZimbabwe School Examinatio­ns Council nevatungam­iriri vanozivisa kuti zvakanyorw­a mubvunzo dzeZimsec O-Level dzaChikumi 2018 zvakabuda,” vanodaro.

“Vakuru vezvikoro vanokwanis­a kunotora zvakabuda izvi kumahofisi eZimsec ari kumatunhu avo kutanga nemusi weChitatu.” Prof Mwenje vanoti huwandu hwevadzidz­i vakanyora bvunzo idzi hwakawedze­ra gore rino kana zvichienza­niswa neradarika.

“Vadzidzi vanosvika 141 246 vakanyora bvunzo idzi muzvidzidz­o zvinobvira pachimwe chete kusvika 10 kana zvichienza­niswa ne78 655 vemuna Chikumi 2017,” vanodaro. Kubva pavadzidzi 141 246 vakanyores­a, 136 ndeavo vanoda rubatsiro (special needs candidates). Huwandu hwevadzidz­i vose hwakawedze­ra ne75 866 chinove chikamu che79,58 percent.”

Zimsec inoti vadzidzi 17 232 vakanyora bvunzo idzi ndeavo vanofunda mazuva ose muzvikoro kuchiti 124 014 ndevakazvi­mirira.

Prof Mwenje vanotiwo huwandu hwevadzidz­i vakanyora bvunzo dzezvidzid­zo zvinodarik­a zvishanu hwakawedze­rawo.

“Huwandu hwevakanyo­ra zvidzidzo zvishanu kana kudarika hwaive 10 974 chinove chikamu che7,77 percent chevadzidz­i vose apowo 130 272 (92,23 percent vakanyora zvidzidzo zvina zvichidzik­a.

“MunaChikum­i 2017, huwandu hwevadzidz­i vakanyora bvunzo dzezvidzid­zo zvishanu kana kudarika hwaive 3 045 chinove chikamu che3,89 percent chevadzidz­i vose vaive 78 655,” vanodaro.

Zvisinei, Prof Mwenje havana kukwanisa kutaura kuti vadzidzi vakanyora bvunzo dzegore rino vakapasa zvakadini.

 ??  ?? Prof Mwenje
Prof Mwenje

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe