Kwayedza

Eboue odzoka munhabvu

-

AIMBOVE mutambi weArsenal, Emaanuel Eboue (35), anogona kudzoka munhabvu achitambir­a LA Galaxy, makore maviri apedzisira kutamba nhabvu.

Chizvarwa chekuIvory Coast ichi anoshuvira zvikuru kudzoka munhabvu zvichiteve­ra kutemerwa zvirango kwaakaitwa neFIFA kuti asatambire Sunderland mugore ra2019 apo akanzi asatambe kwegore atadza kubhadhara mumiriri wake.

Nyaya dzehutano hwake dzakamutad­zisa kuti atengwe nechikwata chekuCypru­s, Ocagi Limasol gore radarika.

Mutambi uyu akasiiwa asina kana kobiri zvichiteve­ra kurambana kwaakaita nemudzimai wake izvo zvakamudya chaizvo mupfungwa zvekusvika pakuda kuzviuraya.

Asi chikwata chekuMLS - LA Galaxy - chiri kuedza kuda kumudzora munhabvu, sekutaura kwenhau dziri kubva kuThe Sun.

Chikwata ichi chinoziva kuti ruzivo rwaanarwo rwenhabvu rwakakosha zvikuru.

Eboue ange asiri munhabvu kwemakore maviri, asi nguva yadarika akambotamb­ira chikwata chemaArsen­al Legends munaChikum­i.

Achitaura neCanal gore rino, akati, “Chandinong­oda chete kudzoka munhabvu nekuti ndichiri kukwanisa kutamba.

“Ndinogona kuenda kunzvimbo dzakaita seBaghdad kana Pakistan kuti ndingotamb­a chete. Handina basa nazvo kuti ndekupi.

“Ndinogara nemabhegi angu akarongedz­wa nekuti pane mukana wekuti ndinogona kudzingwa mumba mangu.

“Handina munhu parutivi rwangu ari kundimirir­a mazuva ano. Ndingori ndega. Ndaimbofar­a chaizvo nevana vangu nemhuri yangu asi iye zvino ndave ndega.” - SportsMail Football

 ??  ?? Emmanuel Eboue
Emmanuel Eboue

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe