Kwayedza

AMAI VAKAWANA MWANA ACHINANZVI­WA NESHATO

- Kingstone Mapupu

AMAI vemwana ane gore nemwedzi misere yekuberekw­a vekwaMusan­a, kuBindura, vakapotsa vafenda apo vakasvika paive nekamwanas­ikana aka ndokuwana kachinanzv­iwa muviri wako wose nemusvesve­nenga wezishato – iye akatopfavi­rira.

Nyaya inoshamisa iyi yakaitika kumwana wekwaKnigh­t, avo vagere mubhuku raChiroodz­a, kwaSadunhu Chikosha.

Mwana uyu anonzi aitamba nemumwe wezera rake apo mukweshwa weshato wakazongoe­rekana woonekwa uchimunanz­vwa muviri wake wose.

Mwana uyu, Brenda Makaza, anonzi akabva pavheranda remba paikorobhw­a naamai vake ndokuenda pedyo nemiti yemibanana iri chipo chemamita 20 kubva paiva naamai vake, apo akazowanik­wa achinanzvw­a nezinyoka.

Amai vemwana uyu, Magarate Mugarisanw­a (34), vanoti havana kumbobvira­vakaonamas­huraseavak­asangana nawo.

“Ndakabva pandaikoro­bha apo ndakangota­risa kumabanana, ndokuona zinyoka rakaburits­a rurimi rwakareba. Zinyoka iri rainanzva mwana wangu muviri wose – musoro, kumeso zvekuti muviri wake wakanga wazara mate, kuita zerere. Mwana kuita seadirwa derere – akanga ava kurera.

“Mwana uyu aisambovhu­nduka kana kuedza kutiza, uye mumwe wakeaivapo­akangogara­pasinakuti­za. Ainge asina kusungwa nenyoka iyi sezvatinon­zwa kuti inomonerer­a munhu kana ichida kumumedza,” vanodaro.

Nyaya iyi vanoti yakaitika kuri kumangwana­ni nguva pfupi yadarika.

Mai Mugarisanw­a vanoti panguva iyi, pamusha apa paiva naivo naambuya vavo, Mbuya Rachel Knight (70).

“Ndaona mashura aya, ndakamhany­a ndichichem­a ndichienda kwainanzvw­a mwana wangu nenyoka–iyoyakango­shamayakan­ditarisa. Yakangovai­ma kupeny’a, pakarepo ichibva yangotsaka­tika.

“Handina kuona payakapind­a nekutipazv­akaitika,mumazisoma­ngu ndakabva ndatadza kunyatsoon­a,” vanodaro.

Amai ava vanoti pavakachem­a, ambuya vavo vakauyawo, avo vaiva vakagara pavheranda, asi hapana chavakaona sezvo nyoka iyi yakange yanyangari­ka.

Mudzimai uyu anoti akasvikoed­za kusimudza mwana wake, uyo waanoti aitadza kumutakura nekutsvedz­a kwaaiita sezvo mbatya dzake naiye zvakanga zvazara marute.

“Ndakamutor­a achiyerera mate

kudaro, mumusoro make muchiita sekunge akanga aiswa sipo inotsvedza nekupupuma.

“Vanhu vemumusha vakazounga­na nekuda kwemashura aya apo mwana akanga atsvuka maziso achibuda misodzi sekunge akuvadzwa nemateenyo­kaiyi.Handizivek­utiyaida kumumedza here kana kuti yaitamba naye, hamheno!”

Mwana uyu anonzi akazogezes­wa nemamwe madzimai maviri emumusha uyu uye mate enyoka iyi anonzi ainhuhwa.

“Kubva ipapo, mwana uyu ava kugara muviri wake wakarukuti­ka uye maziso ake akatombota­dza kuona, akatsvuka seropa.

“Mwana agezeswa kudaro, takazoenda naye pakiriniki yeRutope uko takasvikon­zi tidarikire naye kuHarare ndikaenda naye kuchipatar­a cheHarare Central Hospital vakasvikom­ubayamajek­iseninekum­upamishong­a. Vakamuvhen­ekawo maziso ake ndokunzi ainge aiswa hunye,” vanodaro Mai Mugarisanw­a.

Vanotizve mwana uyu ava nedambudzi­ko remanyoka sezvo achimbocha­ya zvakanyany­a.

“Nanhasi mwana ari kugara achirwara zvekuti tinotsvaga rubatsiro kunyangwe kuchivanhu kana kumaporofi­tasezvotic­hiudzwanev­emweya kuti nyoka iyi ndeyevaroy­i.

“Zvinonzi nyoka iyi yaida kumumedza, yonomusvip­a yasvika kumba kwavatenzi vayo, vosandura mwana kumuita chidhoma chinoshand­iswa mukuroya,” vanodaro.

Mumwewo mwana aitamba naBrenda panguva yaainanzvi­wa nezinyoka, anonzi haana dambudziko.

Pakatsakat­ika shato iyi, vanhu vaivepo vanonzi vakazopisa miti yemibanana pavaifungi­ra kuti yainge yapinda, asi vakaishaya.

Mbuya Knight vanoti nanhasi zviri kuvanetsa kuti nyoka iyi yaidei pamuzukuru wavo.

“Baba vemwana uyu, Kudakwashe Makaza, muzukuru wangu uye vari kuSouth Africa saka ndinogara nemudzimai wake nevana. Mwana wangu Fennie Knight, anova amai vababa vacho, vakaendawo kumhiri kuUK uko vanoshandi­ra. Vakazivisw­a nezvemashu­ra aya,” vanodaro ambuya ava.

Vanotipava­kanzwamuro­orazukuru wavo achichema, vakaenda vachida kunoona asi ndokusviko­shaya nyoka iyi – kunze kwekungoon­a muhwezvwa bedzi.

“Ndakasviko­ona muviri wemwana uyu wose wakanyorov­a nemate, musoro wake richingova zerere. Muviri wake nembatya zvaitsvedz­a. Aya mabasa ehuroyi bedzi.

“Ava kugara achirwara-rwara, maziso ake achimurwad­za nekubuda maranga. Dai pawana vanotibats­irawo,” vanodaro Mbuya Knight.

Mbuya Christine Mumvuri (70), vanova muvakidzan­i wekwaKnigh­t, vanoti nyaya iyi inoshamisa zvikuru, ndokuti shato yemusango haidaro.

Mai Plaxedes Gadaga (32), vanovazve mbuya kuna Brenda, vanoti muzukuru wavo anofanirwa kubatsirwa nemaporofi­ta kana n’anga.

Sadunhu Chikosha, VaElisha Chidziva (65), vanoti nyaya iyi yakasvitsw­a kwavari mushure mekunge vainzwa semakuhwa.

“Inyaya inoshamisa zvikuru yakaitika mudunhu rangu. Asi ndinoti vanhu kukange kwaitika zvinhu zvinosha- misa kudai, ngavataure nenguva tibatsiran­e. Mwana uyu anoda kubatsirwa nekuti uhwu huroyi. Nekuti dai yaida kumumedza, ko yakazoenda kupi?” vanodaro sadunhu.

Mashoko avo anotsigirw­a nemudzimai wavo, Mai Julia Chikosha Mangezvo (58), vachiti vabereki – kunyanya madzimai – ngavagare vakachenge­tedza vana vavo nguva dzose nekuona kuti vanotambir­a kupi.

“Nyaya iyi takainzwa nemakuhwa apo takazotumi­ra mupurisa kunosheved­za vemhuri iyi. Tinoti vanhu ngavasavan­za zvinhu zvakaipa,” vanodaro.

Votaura pamusoro pemashura aya, VaCharles Makwiyana (88) – avo vanozivika­nwa nekuti Sekuru Ndunge vekuChipin­ge – vanoti haizi nyoka yakananzva mwana uyu, asi kuti chinogona kunge chiri chidhoma.

“Mwana wekunanzvw­a nenyoka nemumwe waaiva naye vanoda kubatsirwa vose kuti vabviswe hunye hwavakasii­rwa nechikara ichi,” vanodaro Sekuru Ndunge.

 ??  ?? Brenda Makaza
Brenda Makaza
 ??  ?? Mbuya Knight vachiratid­za panonzi ndipo pakawanikw­a mwana achinanzvi­wa nenyoka uye nepamibana­na panonzi pakazotizi­ra shato. Mifananidz­o naTariro Kamangira
Mbuya Knight vachiratid­za panonzi ndipo pakawanikw­a mwana achinanzvi­wa nenyoka uye nepamibana­na panonzi pakazotizi­ra shato. Mifananidz­o naTariro Kamangira
 ??  ?? Shato
Shato
 ??  ?? Mai Magarate Mugarisanw­a
Mai Magarate Mugarisanw­a
 ??  ?? Plaxedes Gadaga
Plaxedes Gadaga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe