Murimi gara wagadzirira
VANAMAZVIKOKOTA vezvemamiriro ekunze vanoti Zimbabwe imwe yenyika dzinotarisirwa kunaya mvura yakaringana, asi paine mukana mukuruwekutiinogonakuzoshomekapaneinotarisirwakungeichinaya mumwaka wose wekurima wa2018/19.
Bazi reMeteorological Services Department rinoti izvi zvinoreva kuti nyika ine mukana wekuwana mvura shoma mwaka unotevera.
Mwaka wekurima wa2018/19 unonzi uri kuratidza kuti kuchave neinzi El Nino. El Nino inodyidzana nekudziya kwemamiriro ekunze ayo anokonzera kudziya kwemvura inenge iri pamusoro mugungwa rePacific Ocean uyekwemakoreakawandamamiriroezvinhuakadaianokonzerakunaya kwemvurashomamudunhurino.TsvakirudzodzeSainzidzinoratidzakuti chikamuche62percentcheElNinochinowanzokonzerakunayakwemvura shoma muZimbabwe, izvo zvinoita kuti tisare nechikamu che40 percent chekunaya kwemvura zvakanaka mwaka wose. Asi, vanoita tsvakirudzo vakaonawo kuti hazvirevi kuti kana kuine El Nino, zvobva zvareva kuti kuchaita nzara nguva dzose.
Nekudakwemamiriroezvinhuaya,zvakakoshakutivarimivaitegadziriro dzavo dzemwaka unotevera zvine hungwaru.
Panguvaino,murimiakangwaraanofanirakuveavenezvekushandisa zvakadai semafetireza, mbeu nemishonga zvakakwana.
TinotendazvikurubasaririkuitwaneHurumenderekupavarimizvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Input Support Scheme icho chakaita kuti nyika iwane goho guru mwaka wadarika.
IvovarimivarikubatsirwanezvekushandisamumindaizvineHurumende ngavachizvishandisa nemazvo, kwete kuita hudyire sekupedzisira vave kuzvitengesa. Zvakakoshakubatamwakakuburikidzanekuvenemumera wekutanga, zvikuru apo mvura inotarisirwa kunge ichizonaya iri shoma.
Ongororo yakaitwa nanamazvikokota vekurima inoratidzawo kuti kazhinjikanamurimiakavenemumerawekutanga,kashomakutiasawane gohorakanaka. MumerawekutangawakakoshapakutikanamvuraikazoshomekapakatipeZhizha,asiyambotangazvakanaka,zvirimwazvinenge zvakadyarwa nemvura yekutanga zvinosvika.
Izvi zvinoreva kuti mushure mekunge murimi aona kuti aunganidza zvosezvinodiwa,hapanachekumiriraasikutianofanirakutotangakurima –kuyakunonzinevamwekufanobandira–achishandisadzingavemombe kana tirakita kuitira kuti adyare nemvura yekutanga.
Kune vamwe vanodyara mbeu zvakare pasina kurimwa kuburikidza nenzirainozivikanwanekutiZeroTillageiyoinonziinopagohoguru,saka murimi ita zvido zvako. Sezvo mvura ichinzi ichanaya zvisina kuringana mwaka unotevera, varimi vanokurudzirwawo kudyara mbeu dzingave dzechibagedzinochimbidzakuibvakuitirakutikanamvuraikazoshomeka, vanokwanisa kukohwa, mhuri dzigoguta.
Kune vaya varimi vari kumatunhu agara anonaya mvura shoma mumwaka yose zvisinei nekuti kune El Nino, vakadai ava vanokurudzirwawokutivadyarembesadikidzakaitasemapfunde,zviyokanamhunga idzo dzinotivirira muzuva.
Varimivanofanirwakushandanemadhumeniarikumatunhuavosezvo variivovaneruzivopamusoropembesadzinokodzerananenzvimbodzavo.