Kwayedza

Vogara nenyoka ‘dzechivanh­u’

- Kingstone Mapupu

MAZINYOKA erudzi rweshato ayo ari kuonekwa mumusha waNhemache­na, pedyo nepaGuruve Growth Point, kwaChupuri­ro, kuGuruve, ave kuita kuti vagari veko vagare vazere nekutya kukuru.

Asi vakuru veko vanoti shato idzi dzine chekuita nechivanhu uye hadzifanir­we kubviswako.

Mazishato anodarika mashanu ari kuonekwa akavandari­ra zuva, ozopinda muguru riri pachikomo chinovigwa magamba ehondo yorusunung­uko ikoko.

Mumwe wevakaona nyoka idzi, VaAlois Chipidza (40), vanoti dzinooneka kubva na10 mangwanani kusvika kuma3 masikati dzakavanda­rira zuva.

“Ini ndaiva kubasa kwangu kuno kuService Station yedu paExpo Petroleum apo ndakanzwa vanhu vachisheve­dzera kuti kwaiva nemazinyok­a mashanu ainge achipiring­ishana kuchikomo cheGuruve District Heroes Acre uko ndakamhany­a tikanodzio­na.

“Dzimwe diki dzainge dzakatasva hombe yacho pamusoro, kwatingati kuberekana. Asi hadzina munhu wadzakambo­edza kuvhunduts­ira, vanhu vanongotya voga,” vanodaro.

Vanoti nyaya yave kungoshami­sa ndeyekuti shato dzakawanda kudai dziri kubva kupi.

“Vakuru vemuno vanoti nyoka idzi dzine chivanhu sezvo mugomo iri muchinzi munoyera. Izvozvi vanhu vave kuswera vakadziung­anira vachida kudziona,” vanodaro.

Uwandu hwenyoka idzi vanhu vari kutaura nepakasiya­na – vamwe vanoti ishanu, vamwewo vachiti dzinodarik­a ipapo.

VaMacey Chipfunde (25) vanotsinhi­ra kuonekwa kwenyoka idzi.

“Gomo iri rinoyera zvikuru sekutaura kwevakuru kuno, ndiro rinoendwa nevakuru vachiomber­era midzimu yemuno,” vanodaro.

Vanoti nyoka idzi vakadziona kakawanda vachifudza mombe apo vaitanga nekuona mhuka dzinonzi hovo dzakawanda.

“Ndinofunga kuti nyoka idzi dzakawanda zvakare dzaitadza kuonekwa nekuti nzvimbo iyi ine miti uyewo munguva yeZhizha inogara yakapfumvu­ra nemashizha emiti,” vanodaro.

Chikomo chiri kuonekwa nyoka idzi chiri pedyo zvikuru nemusha waKahumwe, izvo zvave kuita kuti vamwe vanhu vagare vakabatira hana dzavo mumaoko.

Vamwe vanhu vanoti nyoka idzi dzinoonekw­a dzakaita mudungwe dzichienda kurwizi Dande kunonwa mvura.

VaConfiden­ce Chipfunde (37) vanotiwo vakadziona.

“Nyoka idzi ndinogara ndichidzio­na, ina dzacho dzakaberek­wa neimwe hombe. Kana dzichifamb­a dzinoita mudungwe, dzine chivanhu chete,” vanodaro.

Murume uyu anobva mubhuku raKapawa uye anofungira kuti zinyoka hombe ndiro rakabereka dzimwe diki.

Kwayedza yakanosvik­a panzvimbo iyi nemusi weChishanu wadarika ikawana shato idzi dzichinzi dzaive dzapinda

muguru sezvo dzakanzwa kutinhira kwemotokar­i.

Kanzura wenzvimbo iyi – Ward 6 – VaFirai Mazhambe, vanonzi vakatozivi­swa nezvenyoka idzi ndokuti kunoda kuendwa kumhondoro kana kuti masvikiro eko.

Kwayedza haina kukwanisa kuona kanzura ava kuti vataure nezvenyoka idzi.

Asi Sabhuku Nhemachena, VaIson Nhemachena (72) – avo vane musha uri kuonekwa nyoka idzi – vane fungidziro huru yekuti dzine chekuita nechivanhu.

“Chikomo ichi ndimo matinoviga magamba emudunhu reGuruve, rinoyera gomo irori. Inzvimbo yatateguru wedu ainzi Kapawa umo tinoitira chivanhu chedu.

“Nyoka idzi dziri kuonekwa saka takatorong­a kuenda kumhondoro yedu inonzi Nyamuseve kunovaudza,” vanodaro.

Vanoti kusvikiro ravo ndiko kwavachaud­zwa zvekuita kuti kwoshevedz­wa vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority here kuti vadzitore kana kuti dzosiiwa dzakadaro.

“Kudzitora semafungir­o angu hazviite nekuti kuno kunogumisi­ra mvura isisanaye zvakanaka,” vanodaro.

Sabhuku Nhemachena vanoyambir­a vamwe vana vanonzi vari kuonekwa vachitema nyoka idzi kuti vasiyane nadzo.

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vari kukurudzir­a vagari venzvimbo iyi kuti vasauraye nyoka idzi sezvo iri mhosva pasi pemutemo wenyika.

Nhengo ichangosar­udzwa kumirira dunhu reGuruve North mudare reNational Assembly, Cde Dzepasi Girovah, vanoti nyoka idzi dzine chivanhu.

“Nyoka idzi ndedzechiv­anhu, mukauya muchida kudziona seizvi hamudzione. Asi dziripo uye panongoda kuitwa chivanhu,” vanodaro.

 ??  ?? Mazishato anonzi ari kuonekwa kwaNhemach­ena, kuGuruve
Mazishato anonzi ari kuonekwa kwaNhemach­ena, kuGuruve
 ??  ?? Guru ren
Guru ren
 ??  ?? Alois Chi
Alois Chi
 ??  ?? Sabhuku
Sabhuku

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe