Kwayedza

Zvikomba zviviri: Mimba 1

- Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wekuMhondo­ro-Ngezi akapotera kudare ramambo weko mushure mekunge atizirwa nemusikana uyo anoti ane pamuviri pake zvisinei nekuti ari kudura pachena kuti aipinda pabonde neshamwari yemuchinda uyu yepamwoyo panguva iyo aisasanawo naye.

Munyori wedare raMambo Ngezi, VaGodfrey Pasipamire, vanoti nyaya iyi yakapinda mudare ravo nguva pfupi yadarika.

Vanoti Prince Manokore (20) akamhan’arira Nyashadzai­she Kavhunika (17) kudare ramambo mushure mekunge amutizira achiti ane pamuviri pake, zvisinei nekuti akashereke­tawo naLoveson Musemwa (21) anove shamwari yemukomana uyu.

Vanoti Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, vakapa mutongo wekuti musikana uyu atange abara, ozonoongor­orwa pamwe chete nemwana wake nevakomana vaviri ava (DNA tests) kuti pagozivika­nwa muridzi wemwana.

“Nyaya iyi yakatyisa vazhinji nekuti musikana wechidiki uyu ari kubvuma pajekerere kuti aisangana nevakomana vaviri vanoti Prince Manokore naLoveson Musemwa panguva imwe chete. Anoudza dare kuti aingonzwa kuda vakomana ava vose, saka mambo vakamuti ambomirira kuti asununguke kuitira kuti agoenda nevakomana vaviri ava kunovhenek­wa kuti paonekwe baba vemwana,” vanodaro.

Vanoti Prince ishamwari yaLoveson uye ndiye akatanga kudanana nemusikana uyu.

VaPasipami­re vanoti Prince aituma Loveson kana pane zvaaida kumusikana uyu zvikaita kuti abva atora mukana wekudanana­wo naye.

Izvi zvinonzi zvaiitika zuva nezuva kusvika musikana uyu azobata pamuviri.

Vanoti Prince akazonzwa nerunyevek­upe kuti musikana waanodanan­a naye ari kushinha naLoveson zvikaita kuti aruke zano rekuvahwan­dira ndokuzozvi­onera oga apo akavabatik­idza.

“Musikana uyu akambenge atizira kuna Prince asi pakatongwa nyaya iyi, zvakaonekw­a zvakakodze­ra kuti ambodzoker­a kuvabereki vake sezvo pachine ongororo dzinofanir­a kuitwa maringe nemurudzi wenhumbu,” vanodaro VaGodfrey Pasipamire.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe