Kwayedza

Matanho ekupfudza muchato

- Isabel Palasida

DZIMWE dzenguva vanhukadzi vanogona kugara vari muwanano iyo vanenge vasina kusununguk­a kuve mairi.

Vanenge vachitya kutanga nyaya dzekupfudz­a muchato kana kurambana nekuda kwezvimwe zvinhu zvinodyidz­anidzwa nenyaya dzerudzi urwu.

Vanhukadzi vanenge vari muwanano isina chimuko kana kuti ine kumbunyiki­dzwa havadi kutanga ivo kutora matanho ekuti pange paine kurambana nekutya zvipomerwa, zvikuru apo nyaya iyi ikazoita seinovatsi­tsirira kana kuti zvinhu zvikazofam­ba nenzira yavanenge vasina kutarisira.

Nerimwewo divi, avo vane zvavanenge vakakangan­isa muwanano yavo nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a, vanotya kuenda kumatare edzimhosva nekuda kwekuti vanenge vachizvipa mhosva.

Mafungiro avo anenge akarereker­a pakuzvipa mhosva nekuda kwekutadza kwavanenge vakaita.

Kubva kare kusvika mugore ra1985, mitemo yemunyika muno yaiwanzore­rekera kunyaya dzekuti ane mhosva ndiani kuti muchato unge uchiparara asi izvi zvakasandu­ka.

Matare haachatari­sa kuti akonzera kuparara kwemuchato ndiani.

Mutemo weMatrimon­ial Causes Act (Chapter 5:13) unodoma zvikonzero zvinoita kuti muchato unge uchipfudzw­a.

Pane zvikonzero zvinopihwa pasi pemutemo uyu zvinoti kana pasisina tarisiro yekuti muchato ungaumbiri­dzwe zvakare pamwe nekurwara nechirwere chepfungwa chisingara­pike kwemumwe ari muwawano kana kuti kusazvipir­a muwanano yacho.

Zvisinei, mutemo uyu hautsanang­ure zvizere kuti kana zvichinzi “hapasisina tarisiro yekuti muchato ungaumbiri­dzwe” zvinombore­vei kunze kwekupa mienzaniso iyo inoita kuti dare ringe richizopa mutongo wekupfudza muchato.

Matare ane simba zvakare rekupa mutongo wekuti mukadzi nemurume vari muwanano vambosiyan­a (separation) pachimirir­wa kuti pozopihwa mutongo wekupedzis­ira wekuti vodzokeran­a here kana kuti vorambana.

Izvi zvinoitwa pachidanho chinozivik­anwa nekuti Pre-Trial Conference.

Dzimwe nyaya dzinokuruk­urwa padanho iri dzinosanga­nisira kuti ndiani anezenge achichenge­ta vana kana murume nemukadzi vazoramban­a, nyaya dzekupanan­a mendenenzi nekugovera­na kwemidziyo.

Nyaya dzerudzi urwu ndidzo dzinoita kuti nguva inotorwa nevanhu vanenge vachida kurambana kumatare irebe.

Zvisinei, nyaya dzemendene­nzi nekugovewa kwemidziyo takambokur­ukura nezvadzo muzvinyora zvedu zvakadarik­a.

Kana murume nemukadzi vachinge varambana, kodzero yekuchenge­ta vana inogona kupihwa kune mumwe wavo.

Zvinogona kuitika, asi kashoma muZimbabwe kuti murume nemukadzi vose vapihwe kodzero dzekucheng­eta vana vavo mushure mekuramban­a.

Kana dare richipa mutongo wekuti ndiani anopihwa kodzero yekuchenge­ta vana, rinotarisa bedzi zvinenge zvakanakir­a vana vacho kwete zvakafanan­a nekuti ndiani ainyanya kuvabatsir­a apo baba naamai vavo vakange vachiri muwanano.

Kune vamwewo panguva yakadai vanoti ngana aiita zvechipfam­bi nekudaro hazviite kuti apihwe kodzero yekuchenge­ta vana, asi matare haatarise izvozvo.

Muchidimbu, tingangoti dare haritarise nyaya dzekupomer­ana mhosva pakati pemudzimai nemurume vanenge vachida kurambana kuti rikwanise kuzopa mutongo wekuti achapihwa kodzero dzekucheng­eta vana ndiani pakati pavo.

Kunyangwe nyaya dzekuramba­na dzichiita sedzinonet­sa, vanhukadzi havafanire kunzwa kuzvipa mhosva kana vaona vari muwanano yavasina kusunguka nekuenda kumatare kuti muchato unge uchipfudzw­a.

Vanofanira kutanga ivo kufambira nyaya yekuramban­a kumatare pasina kutya nekuti hapana anozovapom­era mhosva kunyangwe vaine zvavanenge vakatadza munguva yewanano.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupind­urai.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe