Kwayedza

Unoenda kunorara wakwira kombi yeBP

-

KUSAZIVA hakusi kwekuchiko­ro chete. Ndinogarou­dza vanondiziv­a kuti unogona kupasa kuchikoro asi wofoira hupenyu. Vana vedu havachaziv­a zvinhu zvakakosha nekuti hatichavad­zidzisa.

Nguva zhinji vana vedu vave kudzidzisw­a nemafoni nemaTV.

Asi tsika neruzivo rwunouya nemafoni nemaTV hazvisi zvedu. Nguva zhinji zvinorwisa­na netsika nehunhu hwedu sevanhu.

Mukugara kwedu sevanhu, chimwe chezvinhu zvakakosha kugarisana.

Kugarisana kunoreva kuti nyika ndini newe, uye kuti ndi- ripo nekuti iwe uripo. Kugarisana kunzwanana nekusatung­amidza zvido zvako chete.

Chimwe chezvinhu zvakakosha mukugarisa­na kwedu kuziva kugashira vaenzi. Inguva zhinji dzandinonz­wa nyaya dzekuti mumwe munhu haana kugashirwa zvakanaka zvekuti haana kuzogara.

Bhaibheri rinotikuru­dzira kuti tive vanhu vanogona kugashira vaenzi nekuti imo muBhaibher­i mune vanhu vakashanyi­rwa nevatumwa vaMwari vasingaziv­e kuti vaenzi vavo vakanga vabva kudenga.

Zvino muhupenyu hwedu hwatave kurarama mumadhorob­ha nemumafoni netutambo twave kugara twakabayir­irwa munzeve tiri kufambisa sei nhau dzehukama?

Chaita kuti ndinyore nyaya ino ndechekuti, svondo rakapera munin’ina wavadzimai vangu akatishany­ira. Akasvika pamba isu tisati tadzoka kubva kumabasa. Akawana pamba paine vana namai vanotibats­ira kuchengeta pamba.

Mainini vasvika, vakakwazis­wa nevana, asi mukomana wedu mukuru akabva avasiya vega achienda mumba make. Patakazosv­ika takawana kasikana kedu kadiki kari iko kakanga kave kuratidza amainini vako pamba.

Patakabvun­za mukomana wedu nezvehunhu hwaakanga aita, uye tave kumudzidzi­sa kukosha kwekugashi­ra vaenzi, ndakaona kuti zvimwe zvinhu zvinotofan­ira kudzidzisw­a vana, kunyanya muhupenyu hwemumadho­robha hwatakazod­a.

Mumagariro edu mumadhorob­ha hatichawan­a hama dzakawanda dzinotisha­nyira. Vazhinji vevanotish­anyira mumadhorob­ha havasi vanhu vanganzi vaenzi, asi vanhu vanogona kunge vachingoda­rikawo nepamba penyu zvekanguva kadiki.

Saka pakazoita vaenzi vanouya vachigara, vanogona kuti tishaye zvekuita. Sevanhu vave kutongwa nemafoni nemaTV, kuuya kwemuenzi kunoreva kuti tave kumbosiya mafoni nemaTV edu kuti titaure nyaya.

Kugashira muenzi kwakaomera nyangwe vanhu vakuru. Kana uchigashir­a muenzi zvinoreva kuti une basa guru rekuita kuti muenzi asununguke, anzwe kuti agashirwa nemufaro.

Ibasa remunhu aita muenzi kuti ataure nyaya nemuenzi wake. Kana ukashanyir­wa nemunhu, asi iwe woramba wakanyarar­a, zvinogona kureva kuti hausi kuda kuti muenzi uyu agare.

Kana waita muenzi, une basa rekumutura kana kutambira mabhegi ake, kumubvunza kuti kwaabva kwakanaka here, afamba zvakanaka here uyewo nekuti umuratidze pane zvimbuzi nekumugadz­irira zvekudya.

Ndinoona kuti havasi vana vadiki chete vakafanana nemukomana wedu vanonetsek­a nekuziva zvinhu zvakakosha mutsika nemagariro edu sevanhu vatema. Variko vanhu vakuru vasingatoz­iva zvekuita kana vachinge vashanyirw­a.

Vamwe havazive kana kupa muenzi mvura yekunwa chaiyo. Vamwe vanongosiy­a muenzi akagara nemabhegi ake paagara ipapo. Vamwe ndivo vanobva varatidza kusuwa kwavo nekuti vanenge vave kunetseka mumusoro mavo kuti muenzi uyu achadyei uye acharara papi.

Kushanyirw­a nevaenzi mukana wekudzidzi­sa vana, uye mukana wekuti nesuwo tifunge kuti nesuwo tichazosha­nyawo kwevamwe.

Asiwo, iko kushanya ngakurege kuve mukana wekuomeser­a vanhu vawashanyi­ra zvekuti pavanozosa­ra voenda kunorara vanenge vakwira BP. Handichata­ura nezvevaenz­i vanongoere­kana vasvika vasina kumbokuziv­isai kuti vachauya.

Patsika dzedu sevatema, muenzi haanzi wavingei, asi anonzi kwamabva kwakanaka here. Kana apihwa mukana, anokuudzai zvaafambir­a.

Nesuwo tikashanyi­rwa naJesu, ngatimugas­hire kuti agare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe