Kwayedza

‘. . . eNew Curriculum mashoma’

- Muchaneta Chimuka

VANA vechikoro vanoti vakazvipir­a kushanda nesimba kuti vabudirire mudzidzo yavo temu yechitatu ino zvisinei nekuti vamwe vavo vari kuchema-chema nenyaya yekushomek­wa kwemabhuku eNew Curriculum.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vana vekumabhod­hingi ari kumativi mana enyika apo vakange vave kudzokera kuchikoro nemusi weMuvhuro uno vari kuzviteshi zvemabhazi zvinosanga­nisira kuna Simon Muzenda (Fourth Street), kuMbare nekuRotten Row muguta reHarare.

Temu ino ndiyo inonyorwa bvunzo dzekupedzi­sira nevana veO- neA-Level.

Vana vakakuruku­rwa navo vanoti vane shungu dzekunofun­da nesimba kuti vagobudiri­ra.

“Tinofara zvikuru kuti tava kudzokera kuchikoro uye tinotsidza kunoshanda nesimba kuti tigopasa. Takava nezororo guru kwazvo asi apo neapo taipota tichiveren­ga tiri kudzimba,” anodaro Michelle Chinhanga ari kuita Lower 6 kuUzumba High.

Sakhile Siziba uyo ari kuita Upper 6 pachikoro chimwe chete ichi anoti vanoda mubhuku ekuverenga akakwana kuitira kuti vakwanise kuita zvidzidzo zveNew Curriculum zvakanaka.

“Tinoda mabhuku ekuverenga seGeograph­y, History neLiteratu­re nekuti mashoma chose. Tinoda zvakare makombiyut­a akakwana kuti tinge tichifambi­rana neruzivo rwechizvin­o-zvino,” anodaro Siziba.

Rachael Takawongwa, uyozve ari kuita Upper 6 pachikoro ichi, anotsinhir­a kuti mabhuku ekurava anofanira kuwedzerwa muzvikoro.

“Tinochema kuti kudai paita madhona anotsigira zvikoro nemabhuku kuti tikwanise kunyatsodz­idza New Curriculum,” anodaro.

Kuchiti Theresa Dick (16) ari kuita Fomu 3 paDriefont­en Girls High iri kuMasvingo anotiwo anotarisir­a kupasa kuitira kuti mari inobhadhar­wa nevabereki vake iendere chiripo.

Gladys Machinga ari kuitawo Fomu 3 pachikoro chimwe chete ichi anoti mabhuku ekuverenga ndiro dambudziko guru, nekudaro zvikoro zvinofanir­wa kutsigirwa zvizere.

Kozoti Percy Kunyaki wemuUpper 6 kuSt Marks High, kuMhondoro, anotiwo vari kufara kuti vave kudzokera kuchikoro uye pazororo vakanga vari mushishi kurava mabhuku.

Mashoko ake anotsinhir­wa naThemba Tena uyo ari kuita Fomu 5 pachikoro chimwe chete ichi achiti dambudziko rekushomek­a kwemabhuku ekuverenga rakakura muzvikoro, nekudaro rinofanira kugadziris­wa nenguva.

“Tinoda kuti muzvikoro munge muchiitwa masemina nekuti anobatsira kuti pave nekugovera­nwa kweruzivo pakati pevadzidzi nevadzidzi­si uye vachidzidz­awo zvinoitwa kune dzimwe nyika nemuno. Mabhuku anofanira kudhindisw­a akawanda kuitira kuti tisaite zvekusheya,” anodaro.

Zvichakada­i, nguva pfupi yadarika Hurumende yakawana mabhuku ekuverenga evana neevarairi­dzi eNew Curriculum anokosha $9 miriyoni kubva kuvatsigir­i vayo ayo akatotanga kuendeswa muzvikoro 3 000 zviri kumativi ose enyika nechinangw­a chekudered­za kushomeka kwawo.doro vari mubhazi

 ??  ??
 ??  ?? Rachael Takawongwa
Rachael Takawongwa
 ??  ?? Percy Kunyaki
Percy Kunyaki
 ??  ?? Sakile Siziba
Sakile Siziba
 ??  ?? Gladys Machinga
Gladys Machinga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe