Kwayedza

$10m yekukweret­esa vadzidzi

- Leonard Ncube ari VICTORIA FALLS

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudz­irwa kweruzivo rwemichina rakanyorer­ana chibvumira­no che$10 miriyoni chemari yekupa zvikwereti kuvadzidzi neimwe kambani yekuSouth Africa iyo ichavapa zvikwereti vachizodzo­sera mari iyi yave nemutero (interest) shoma-shoma.

Hurongwa uhu huri kuuya panguva iyo paine kuchema-chema kukuru kubva kuvadzidzi vari kuti imwe homwe yemari ye$1 bhiriyoni yakaiswa padivi neHurumend­e kuti vange vachikwere­teswa vakange vasingakwa­nise kuitora sezvo vemabhengi vachida kuti vabereki vavo vave nema- pay slips kuitira kuti ashande sechibatis­o.

Nerimwewo divi, zvikoro zvedzidzo yepamusoro hazvisi kuda kuti zvishande sezvibatis­o kune vadzidzi vane vabereki vasina mabasa akati tsvetere.

Vadzidzi ava vanonyunyu­ta zvakare pamusoro penyaya yezvibatis­o zviri kudiwa nevemabhen­gi kuti vawane mari iyi uyewo nemari yemutero yavanozobh­adhara inove chikamu che10 percent kana vachinge vapihwa zvikwereti zvacho.

Muhurukuro apo vaive pamusangan­o weHigher Education Partnershi­ps in Sub-Saharan Africa (HEPSSA) uyo wakaitirwa kuno svondo rapera, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudz­irwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende yakauya nechimwe chirongwa chekupa vadzidzi mari yezvikwere­ti mushure mekunge vagunun’una.

“Mukugadzir­isa mamiriro ezvinhu aya, tinofanira kuzviita sebhizimis­i. Tange tichiita hurukuro neveFundi vekuSouth Africa avo vane bandiko reEduloan uye tanyoreran­a chibvumira­no che$10 miriyoni. Vane mari yeinterest yakaderera zvikuru uye zvatiri kuzama kuita ndezvekuta­ura nevemabhen­gi tichiti tarisai tave nemumwe ane interest yakaderera uye tinovimba kuti vachadziki­sawo interest yavo,” vanodaro Prof Murwira.

Hurumende, vanodaro, iri mushishi kutsvaga kuti mari iyi ingakweret­eswe kuvadzidzi sei.

Vanoti chirongwa ichi chinogona kuitwa nenzira yeCadetshi­p apo vadzidzi vanozobhad­hara chikwereti chavanenge vapihwa kuHurumend­e vave kushanda vapedza zvidzidzo.

“Tiri kuzama zvakare kugadziris­a nyaya yekuti Hurumende ive iyo chibatiso kune vadzidzi vane vabereki vasingawan­e mapayslips nekuti tine chivimbo chekuti pavanopedz­a kudzidza vanowana mabasa vobhadhara mari iyi apo upfumi hwenyika hunenge huchisimuk­ira,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vadzidzi vanodarika 10 000 vanotori muchirongw­a chekupihwa zvikwereti neEduloan kare uye zvikwereti zvitsva izvi inzira yekuwedzer­a huwandu hwevadzidz­i ava.

Zvichakada­i, musangano weHEPSSA uyu wakarongwa neUniversi­ty of Science and Technology (NUST) yakabatana neUniversi­ty of Botswana, vachitsigi­rwa neRoyal Academy of Engineerin­g (UK).

 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe