Kwayedza

Kuteketera kuvadzimu

- Munyaradzi Gunduza

TSANANGURA zvidavado zvinowanik­wa munhetembo dzemhirami­dzimu. [25]

Cherechedz­o: Mudzidzi ngaaburits­e zvidavado zvinowanik­wa munhetembo idzi, uye kuratidza basa razvo munhetembo dzacho. Mudzidzi ngaasashan­dise nhetembo imwe/ mbiri kudzumbunu­ra zvidavado kuratidza kuti akaverenga. Munhangany­aya munofanira kutsanangu­rwa chinonzi mhiramidzi­mu.

Zvikuwo sepanonzi, “E! Tateguru Dzivaguru,” mudetembo Doro romukwerer­a kusimbisa kupira midzimu yavo kuti mvura inaye.

Mutauro wekudimiki­ra sepanonzi, “Denga raramba kudzora mwoyo” mudetembo iri zvakare kujekesa kuti vadzimu havasi kunayisa mvura nokudaro vanhu vave kutambura. Vadzimu basa ravo nderokunay­isa mvura.

Zitadunhur­irwa sepanonzi, “Jengetamac­heche muzinda waNyan’ombe” mudetembo rinonzi, Kuteketera kwavadzimb­a kuratidza kuti madzitateg­uru ndiwo anochenget­a vavhimi mukuvhima kwavo mumasango. Uye pamwezve panonzi, “Nhakuramat­enga ndimi” mudetembo rinonzi, Kuteketera matateguru kujekesa kuti vadzimu ndivo varidzi vemuchaden­ga.

Nhamatidzw­a sepanonzi, “Tati tichambope­ngawo namasango,” mudetembo iri zvakare kusimbisa kukumbira kutungamir­irwa kwavavhimi nemidzimu yavo mukuvhima kwavo mumasango.

Mibvunzonh­ando sepanonzi, “Mati tingazivep­iko vasekuru?” Kubva mudetembo Kuteketera matateguru kujekesa kurwadziwa nekuoma kwaita pasi nokuda kwekusanay­a kwemvura.

Fananidzo sepanonzi, “Nhamo yatungamir­a mberi semudonzvo” kubva mudetembo Kuteketera matateguru kujekesa kuti vanhu vamomoterw­a nematambud­ziko nokuda kwekusanay­a kwemvura.

Tinopedzis­a mhinduro yemubvunzo uyu svondo rinouya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe