Kwayedza

Nguva yehondo

- Munyaradzi Gunduza

SARUDZA nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburit­sa dingindira rezvematon­gerwo enyika/hondo yeChimuren­ga. Nhetembo yakanzi Ndipo patakamuvi­nga pano inojekesa dingindira rezvematon­gerwo enyika. Nyanduri anoti munguva yehondo vakaviga mumwe wavo murwi wehondo pakati pematombo nemiti semhuka yesango inotyisa sepaanoti, “Ndipo patakamuvi­ga pano pakati pezvitombo nemiunga kunge chiya chikara chesango.”

Nyanduri anoti kune magamba akawanda kwazvo akafira muhondo uye akanga achiuraiwa vakatarisa apo vaisimbiri­ra kuti nerimwe zuva vachawana rugare sepaanoti, “Akadauka pamberi pedu achipika kuti rake gidi richapurur­udza.”

Nyanduri anoti magamba akafira muhondo ndiwo akatanga kuvhura nzira yekuti vamwe tose tizowana rusununguk­o sepaanoti, “Akatanga kuvhurira vamwe tese nzira kuti tiwane kubuda parumananz­ombe.”

Nyanduri anoti munguva yehondo kwakauraiw­a vanhu vakawanda chaizvo sepaanoti, “Iro ivhu rakamedza ropa rikazvimbi­rwa.” Nyanduri anoti munguva yehondo vakachema zvikuru nekurasiki­rwa nehama dzavo sepaanoti, “Yeduwo misodzi ivhu rakanwa rikaguta.”

Nyanduri anoti magamba ehondo aifa asi aine shungu dzekuti hondo yeChimuren­ga ifambire mberi sepaanoti, “Akati chindisiya­i ndirote zvangu imi muende mberi neChimuren­ga.”

Chinhu chakabatan­idza magamba kuti aende kuhondo chinangwa chekunosun­ungura nyika chete sepaanoti, “Zita, mhuri, mutupo, kana dzinza zvaingova mhindo. Taingoziva uyu mwana wevhu”

Munhetembo inonzi Pakamungom­a nyanduri anoti vaive muhondo apo vaifara zvikuru sepaanoti, “Tainge tachiti miswe rashu miromo kushama enge mapako.” Nyanduri anoti paKamungom­a vanhu vainge vachiimba nziyo dzehondo vachitunga­mirirwa navanachim­bwido sepaanoti, “RweChimure­nga rwaishaurw­a naiye Rori, chimbwido mukuru.”

Chinhu chikuru chaiita kuti hondo ifambire mberi inziyo dzeChimure­nga sepanonzi, “Kuimba ndiyo morarika muChimuren­ga kuti hondo ifambire mberi.”

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe