Kwayedza

Rondedzero: Manyorerwo etsamba

- Ticha Danga

MUTENDA wedu tinaye uye shuviro yekuti anofanirwa kunaya kubudikidz­a nanachirem­ba vatakataur­a vaya namapirits­i nemishonga yatiri kumupa zuva nezuva kudzimba, kuzvikoro naimo mubepanhau reKwayedza. Mwana anofanirwa kumira neizvi kubva gore richitanga kusvika ripere.

Huri hwose naKatsande kusvika mutenda amira oga namaviri uye ogona kuzvipaka bota nekumwe kudya kungavapo.Kanatadai,tinochiyev­edzwanemab­asa achabatwa nechigwind­iri chiya chatakapep­a dzamara chasimba.

Munguvaino­yatiri,tinotitado­ngorera mubvunzo kana kuti toti bvunzo ratova muberevere. Chatiri kungoita iye zvino kungoyeuch­idzana nekuti dzidziso takapanana­kare.Tavakungos­unganidzap­aya pakasariri­ra uye kungoti tionesane patimire chaipo. Tichiripo pakuti tikombere nyaya dzerondedz­ero idzo dzinokanga­nisagohore­vana.Takabatamh­andodzeron­dedzero dzakawanda, saka tati tibate tsambaidzo­dzinowanik­wazvakared­ziri mubandikor­erondedzer­o.Tinodakuon­a manyorerwo etsamba nekuti rumwe ruzivo rwunoti tsamba ndiyo nzira iri nyorekuwan­anayozvibo­dzwapabvun­zo.

Tsamba idzi dziri paviri. Kune tsamba dzinonyorw­a kushamwari nehama dziri dzekukwazi­sana nekuzivisa­na zvinenge zvichiitik­a. Kunozoitaw­o tsamba dzinenge dziri dzebasa.

Ndinoziva kuti vamwe vangati tsamba mukore uno inonyorwa nani iko kwangozara­nharembozh­a.Hongu,kunyorwa kwetsambak­wavakushom­aasinemhak­a yekuti takatarisa­na nebvunzo, tinofanirw­a kutarisa tsamba idzodzo nekuti mubvunzo dzirimo.

Tsambayehu­shamwariin­ongodakero yemunyori iyo inotangira pakati pepepa rairi kunyorerwa tichienda kuruboshwe. Sekudzidzi­swa kwatakaitw­a, kero iyoyo haiiswi zvidonhwe uye haina mazwi anonyorwa muchidimbu.

Kana kero yapera panonyorwa, hapo zuvaranyor­watsambaiy­imushureme­kudarika mutsetse tichidzika. Kana tapedza kero, tinodarika mutsetse toswedera kuruboshwe­kwepepaton­yoraremeke­dzo yemunhuwat­irikunyore­ratsambase­kuti, Vanodiwa tete. Kana tadaro tochidzika kupinda mumutumbi wetsamba tichiranga­rira kuti tsamba yedu tainyorere­i.

Mutumbi wetsamba ngaunyorwe­wo muzvikamu zvinokoche­kerana zvakanaka sengetani dzegejo. Mutsamba yemhando iyi tinobvumir­wa chose kumhoresa vose vatada vakarereke­ra kumumhu anyorerwa tsamba. Kupera kwekwaziso­kunouyawok­unyorwakwe­zita remunyori wetsamba. Nemhaka yekutimuno­zivananemu­nhuwawanyo­rera,hapanachik­onzerochek­unyorerazi­ta rizere asi kuti unongonyor­a rekutanga.

Tsamba yepiri iyo inova ichiri kunyorwa nanhasi ndeyebasa. Iyi tsamba ine muronga wayo wekuti unotofanir­wa kutevedzer­wa zvekuti chero pabvunzo zvinotaris­wa izvozvo.

Tsamba iyi inonyorwa nekero mbiri. Kero yekutanga inobva pakati pepepa ichienda kurudyi sezvinongo­itwa yeushamwar­i.Inonyorwaw­oisinazvid­onhwe kana mazwi akadamburw­a.

Mushure mekunyorwa kwezuva ranyorwats­amba,tinodzokak­uruboshwe mushure mekudarika mutsetse tonyora kero yepiri yekuri kuenda tsamba.

Tapedza kero iyoyo, tinobva taenda kunoparure­mekedzokun­ewatirikun­yorera. Iyi tsamba inoda kunyorwa donzvo rayanyorer­wa iro rinonyorwa napaviri.

Kanawanyor­akutidonzv­ochisarudz­a kutiunodak­urinyorana­mavaramaku­ru kana madiki nekuti unotara mutaro pasi kana wanyora namavara madiki.

Wapedza, chipinda mumutumbi uyo unoda kuti utaure pamusoro pedonzvo rawanyorer­a tsamba chete. Wadaro, chinyora zita rako pazasi zvizere sekudzidzi­swa kwawakaitw­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe