Rondedzero: Manyorerwo etsamba
MUTENDA wedu tinaye uye shuviro yekuti anofanirwa kunaya kubudikidza nanachiremba vatakataura vaya namapiritsi nemishonga yatiri kumupa zuva nezuva kudzimba, kuzvikoro naimo mubepanhau reKwayedza. Mwana anofanirwa kumira neizvi kubva gore richitanga kusvika ripere.
Huri hwose naKatsande kusvika mutenda amira oga namaviri uye ogona kuzvipaka bota nekumwe kudya kungavapo.Kanatadai,tinochiyevedzwanemabasa achabatwa nechigwindiri chiya chatakapepa dzamara chasimba.
Munguvainoyatiri,tinotitadongorera mubvunzo kana kuti toti bvunzo ratova muberevere. Chatiri kungoita iye zvino kungoyeuchidzana nekuti dzidziso takapananakare.Tavakungosunganidzapaya pakasaririra uye kungoti tionesane patimire chaipo. Tichiripo pakuti tikombere nyaya dzerondedzero idzo dzinokanganisagohorevana.Takabatamhandodzerondedzero dzakawanda, saka tati tibate tsambaidzodzinowanikwazvakaredziri mubandikorerondedzero.Tinodakuona manyorerwo etsamba nekuti rumwe ruzivo rwunoti tsamba ndiyo nzira iri nyorekuwananayozvibodzwapabvunzo.
Tsamba idzi dziri paviri. Kune tsamba dzinonyorwa kushamwari nehama dziri dzekukwazisana nekuzivisana zvinenge zvichiitika. Kunozoitawo tsamba dzinenge dziri dzebasa.
Ndinoziva kuti vamwe vangati tsamba mukore uno inonyorwa nani iko kwangozaranharembozha.Hongu,kunyorwa kwetsambakwavakushomaasinemhaka yekuti takatarisana nebvunzo, tinofanirwa kutarisa tsamba idzodzo nekuti mubvunzo dzirimo.
Tsambayehushamwariinongodakero yemunyori iyo inotangira pakati pepepa rairi kunyorerwa tichienda kuruboshwe. Sekudzidziswa kwatakaitwa, kero iyoyo haiiswi zvidonhwe uye haina mazwi anonyorwa muchidimbu.
Kana kero yapera panonyorwa, hapo zuvaranyorwatsambaiyimushuremekudarika mutsetse tichidzika. Kana tapedza kero, tinodarika mutsetse toswedera kuruboshwekwepepatonyoraremekedzo yemunhuwatirikunyoreratsambasekuti, Vanodiwa tete. Kana tadaro tochidzika kupinda mumutumbi wetsamba tichirangarira kuti tsamba yedu tainyorerei.
Mutumbi wetsamba ngaunyorwewo muzvikamu zvinokochekerana zvakanaka sengetani dzegejo. Mutsamba yemhando iyi tinobvumirwa chose kumhoresa vose vatada vakarerekera kumumhu anyorerwa tsamba. Kupera kwekwazisokunouyawokunyorwakwezita remunyori wetsamba. Nemhaka yekutimunozivananemunhuwawanyorera,hapanachikonzerochekunyorerazita rizere asi kuti unongonyora rekutanga.
Tsamba yepiri iyo inova ichiri kunyorwa nanhasi ndeyebasa. Iyi tsamba ine muronga wayo wekuti unotofanirwa kutevedzerwa zvekuti chero pabvunzo zvinotariswa izvozvo.
Tsamba iyi inonyorwa nekero mbiri. Kero yekutanga inobva pakati pepepa ichienda kurudyi sezvinongoitwa yeushamwari.Inonyorwawoisinazvidonhwe kana mazwi akadamburwa.
Mushure mekunyorwa kwezuva ranyorwatsamba,tinodzokakuruboshwe mushure mekudarika mutsetse tonyora kero yepiri yekuri kuenda tsamba.
Tapedza kero iyoyo, tinobva taenda kunoparuremekedzokunewatirikunyorera. Iyi tsamba inoda kunyorwa donzvo rayanyorerwa iro rinonyorwa napaviri.
Kanawanyorakutidonzvochisarudza kutiunodakurinyoranamavaramakuru kana madiki nekuti unotara mutaro pasi kana wanyora namavara madiki.
Wapedza, chipinda mumutumbi uyo unoda kuti utaure pamusoro pedonzvo rawanyorera tsamba chete. Wadaro, chinyora zita rako pazasi zvizere sekudzidziswa kwawakaitwa.