Kwayedza

Mabhezari 30 ekuChina

- Munyori weKwayedza kuMasvingo

VADZIDZI 14 — avo vanova shasha muchikoro – vakaita rombo rakanaka rekuwanisw­a mabhezari ekuti vanodzidza kumayunivh­esiti ekuChina vachitsigi­rwa nesangano rakazvimir­ira, reRuddson Internatio­nal Consultanc­y. Vadzidzi ava vachabatan­a nevamwe 16 kubva kune mamwe matunhu eZimbabwe avowo vachanodzi­dza kuChina pasi pechirongw­a ichi. Ruddson yakapa mabhezari kuvadzidzi 30, vakawanda vacho vari vekuMasvin­go.

Vachitaura apo vaionekana nevadzidzi vekuMasvin­go, Masvingo Assistant District Administra­tor, Mai Joyce Chikugu, vakavakuru­dzira kuti vanoshanda nesimba muzvidzidz­o zvavo. Vanoti vadzidzi ava vane zvakawanda zvavachano­funda kuChina uye vanofanira kutanga makambani avo pavanodzok­a.

“Tinokurudz­ira vechidiki vedu kuti vaende, vanowana ruzivo rwakadzama, vozouya narwo kumusha vachivhura makambani pamwe nekupinza vamwe mabasa,” vanodaro.

“Nekudaro, tinoda kuti vechidiki vedu vaende kuChina vanowana ruzivo rwunosimud­zira budiriro yenyika kuitira kuti upfumi hubudirire pakati pedzimwe nyika dzepasi rose.”

Director wesangano reRuddson, Mai Sarah Runovuya, vanokurudz­ira vadzidzi ava kuti vagozodzok­a kumusha kuzoshandi­ra budiriro yenyika kana vapedza fundo yavo.

“Chinangwa chikuru cheRuddson Internatio­nal Consultanc­y kuumba boka idzva revanhu vemuZimbab­we vakazvipir­a kusimudzir­a nyika yavo,” vanodaro.

Sangano reRuddson rakavambwa naVaTapiwa Runovuya, avo vakambodzi­dza kuChina.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe