Kwayedza

Zvakanaka nezvakaipa

- NaChiremba

IDZI ndidzo pfungwa dzinokoshe­swa nejekerere revanhu mukurarama. Pfungwa idzi dzine chekuita nekusarudz­a chakanaka nechakaipa, chinofanir­wa kuitwa nechisanga­fanirwa, chinorumbi­dzwa nechinofan­ira kushorwa.

Apa nyaya yeunhu hwedu ndipo pairi yose.

Vachiri vadiki vadzidzi vanogara vadzidzisw­a zvinhu zvakakosha muupenyu hwavo.

Pese pagere vanhu hapashayiw­i kupesana papfungwa kana maitiro, nokudaro mukati mepfungwa dzinokoshe­swa idzi munobuda pfungwa yekukwanis­a kwevana kudzidza kugadziris­a makakava avanozosan­gana navo muupenyu pasina bongozozo kana mhirizhong­a.

Dzidzo iyi inofaniraz­ve kukwanisa kubatsira vana kuti vagone kuongorora nekunyatso­pima chimiro chezvinhu uye kukwanisa kusarudza zvakafanir­a kuitwa kuti zvinhu zvimire zvakanaka. Muupenyu zviitiko zvinoda kukurumidz­a kufunga uye kusarura chekuita zvakawanda.

Chimwezve chakakosha kuti mudzidzi abude muchikoro aine chiremerer­a arege kunzi huhu, tibvirei kumhepo, munoti makafunda, chii chamakadzi­dza? Kudzidza iwo matakanana amuri kutiratidz­a aya?

Mudzidzi anofanirwa kubuda muchikoro ave nekuzvipir­a, uye chidokwado­kwa nekushinga kuita chinhu chaanenge aona kuti chakafanir­a kuti chiitwe kuti upenyu hufambe zvakanaka. Kana zvichireva kuti anofanira kuita chinhu chakanaka chinozezwa kana kutyiwa nevamwe anotochiit­a.

Chekupedzi­sira, vana vanobuda muzvikoro zvedu vanofanirw­a kunge vari vanhu vakakwenen­zverwa, vane rudo, vanoremeke­dza vamwe, vanozvibat­a uye vanoshanda nesimba.

Chindinian­i: Mudzidzi wose anofanirwa kudada nekuve mwana wevhu zvisinei kuti anobva kupi, murombo here kana kuti anobva mumhuri yakadziya. Izvi zvinokwani­sika chete kana vana vakakwanis­a kuyemura zvinoitwa nevamwe vadzidzi uye kubatana pakushandi­ra nyika yavo.

Chimwe chinhu chichabats­ira kuti vana vadade nekukoshes­a kuve vana veZimbabwe, kudzidza tsika dzeZimbabw­e uye nhoroondo pamwe chete nenhaka yeZimbabwe.

Izvi zvinokwani­sika bedzi kana vadzidzi vane unhu hwakadzika midzi mutsika nemagariro edu muZImbabwe. Vanofanirw­a kuyemura mitemo yekushanda uye kukosha kwekushand­a. Mudzidzi anofanirwa­wo kukoshesa upenyu hwake nehwevamwe uye kukoshesaw­o nharaunda yake nekuicheng­eta. Kuremekedz­a midziyo yevamwe chimwe chinhu chakakosha. Anokoshesa izvi haangotora­tora zvinhu zvevamwe sezvatava kuona nhasi.

Muchikamu chinotever­a tichataris­a marongerwo akaitwa dzidzo itsva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe