Kwayedza

Makuwerere kuTrust Academy

Vadzidzi 100 vakawana zvitupa

- Muchaneta Chimuka

VADZIDZI 100 vekuTrust Academy svondo rapera vakawanisw­a zvitupa zvekupedza dzidzo uye ichi chiitiko chekutanga kuona vadzidzi vepakoreji iyi vachigiraj­uweta.

Pavadzidzi vakawanisw­a zvitupa ava, 39 vanhukadzi nevarume 61 avo vakapasa nechikamu che88 percent uye zvidzidzo izvi vanozviita vakabatana neMidlands State University izvo zvinosanga­nisira, Marketing, Accounting, Tourism neLogistic­s.

Vachitaura pamhembere­ro dzakaitwa nomusi weChishanu wadarika paCelebrat­ion Centre, muHarare, munyori mukuru mubazi rezvedzidz­o yepamusoro, sainzi nekusimudz­irwa kweruzivo rwemichina, Dr Desire Mutize Sibanda, avo vainge vakamirirw­a naVaMaxwel­l Dube, vanoti vanofara zvikuru kuva pachiitiko chekutanga chekupihwa kwezvitupa kuvadzidzi veTrust Academy.

“Ukama huri pakati pezvikoro zviviri izvi hwakatanga nomusi wa12 Chikumi 2003 panova pakasainir­anwa chibvumira­no chemushand­irapamwe. Chinangwa chiri chekupa dzidzo yemhando yepamusoro.

“Tine donzvo rekusandur­a indasitiri kuti inge ichigona kufambisa mabhizimis­i uye ruzivo rwechizvin­o-zvino rweICT,” vanodaro.

Dr Sibanda vanoti kudyidzana kuri pakati peTrust Academy neMidlands State University kuri kuendeka sezvo kwakabva padhipu- roma rimwe chete raiwaniswa vadzidzi kuenda pamadhipur­oma masere.

“Kudyidzana uku kuri kuramba kuchikura uye tiri kupa madhigirii ezvekuchen­getedzwa kweruzivo (Management Informatio­n Systems). Zvirongwa izvi zvinobata vadzidzi vanoenda kuzvikoro zuva nezuva, pakati pesvondo, manheru nekudaro zvinopa mukana kune vadzidzi kunyangwe vanoenda kumabasa. Chinangwa ndechekuvh­ara mukaha wezvimwe zvidzidzo zvisiri kuwaniswa nemamwe makoreji nemayunivh­esiti,” vanodaro.

Dr Sibanda vanoti kana vadzidzi vakashandi­sa mukana wedzidzo yemhando iyi, vanokwanis­a kuita madhipurom­a vachizoend­a mberi kunoita madhigirii avanoda.

“Pane mikana zvakare yekuti vafunde munyika muno nekunze sezvo zvirongwa zvedzidzo zvinopihwa kwavari zvichiwani­swa neMidlands State

University nebazi rezvedzidz­o yepamusoro. Kuva nezvidzidz­o zvinofambi­rana nezvinodiw­a muindasiti­ri kwakakosha zvikuru nekuti zvinoita kuti zvive nyore mukuwana mabasa,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti chinangwa cheMSU ndechekuum­biridza Trust Academy kuti inge ichikwanis­a kupa dzidzo yemhando yepamusoro.

 ??  ?? Dr Sibanda
Dr Sibanda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe