Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

- Juliet Sharon Tom

Shona: MBITI Ndebele: Intini English: African Clawless Otter MBITI imhuka inogara munzvimbo dzakapfiri­ra nemiti nesora uye dzisingape­re mvura.

Inofarira kudya hove, iine ganda rakasvibir­a, rinotsvedz­erera nekupeny’a (silky). Kana iri nyoro, mbiti inoita kunge nhema.

Muromo wembiti wepasi nepachipfu­va pane ruvara ruchena, uine mvere kana kuti “ndebvu” dzakareba. Ine makumbo mapfupi nemuviri wakarebenu­ka uye muswe murefu.

Kana ichifamba panyika, inota seyakatutu­madza musana wayo. Makumbo emhuka iyi haana mvere kuzasi nematsimba asina nzara. Kana yoshambira mumvura, mutumbi wayo hauoneke kunze kwemusoro bedzi.

Kuona mbiti ichifamba panyika zvinoita seshura sezvo ichigara mumvura nguva dzakawanda. Ndokusaka mbiti dzichidyiw­a nemakarwe kunyanya. Makumbo emberi nemuswe ndizvo zvainoshan­disa kushambira.

Kana yakura inorema 10 kusvika 18kgs. Chimhuka ichi chine simba, ndokusaka dzichikwan­isa kusunda zvitanda nezvimwe zvinenge zviri mudziva pakutamba. Dzinowanzo­zambira mushana dziri pamabwe kana matanda, dzichipind­a mumvura kana dzoda kutonhorer­wa.

Kazhinji kacho mhuka iyi inovhima husiku kana kuti mangwanani ichidya hove, matatya, makonye kana makangadye. Kakawanda kacho inobata chayaona, asi dzimwe nguva inoita zvekupinza makumbo pasi pemabwe yokweva zvingava mumadhaka. Chainodya inobata nemakumbo.

Mbiti inogonazve kufamba nemakumbo eshure apo emberi anenge akatakura chainodya sehove.

Mbiti inogona kugara iri yoga, dziri mbiri kana semhuri duku mumwena yadzinoche­ra mujecha riri pedyo nemadziva.

Mhuka iyi inoita mazuva ari pakati pe60 kusvika 65 iine mawuta apo inozobara handa mbiri kusvika kuina.

Mbiti inoshungur­udza zvikuru varimi vanochenge­ta hove nevarauri sezvo ichikwanis­a kudzidya, kana dai dzinenge dzabatwa nemambure. Kana ichidya hove, inowanzota­nga nekumusoro, yozopedzis­a nemutumbi.

Naizvozvo zvakakosha kumurimi kuona kuti akomberedz­a madziva ake ane hove neruzhowa rwakasimba kudzivisa mhuka iyi kuti isadye hove dzake. Muchiteya mambure, kana maduwo ekubata hove, onai kuti ari kure nekumahomb­ekombe uko kunofarirw­a nemhuka iyi.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino: Field Guide to the Larger Mammals of Africa - Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion - A Guide to Watching African Mammals - Richard Estes

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Mbiti
Mbiti
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe