Kwayedza

Varimi vakahwapur­a mibairo

- Muchaneta Chimuka

VARIMI vedonje avo vakabva kumatunhu akasiyana svondo rapera vakatunzva­idzwa nekuwanisw­a mibairo yekugona kurima chi- rimwa ichi mumwaka wadarika kuHarare Agricultur­al Show.

VaRanganai Muzivirwa (50) vekuChired­zi ndivo vakahwapur­a nhamba yekutanga uye vakaenda kumba nehungwand­a-ngwanda hwemibairo inosangani­sira tarakita inokosha $8 600, tirera ye$5 800, madish plough matatu anokosha $310, feteraiza yeCompound L nemudhudhu­dhu.

Mubairo wepiri watorwa naSolomon Chigodora wekuMt Darwin uyo akapihwa mibairo inosangani­sira matsiru mana emombe, bhuru rimwe chete, fetiraiza nembeu yedonje.

Edson Kalunge wekuGokwe ndiye akatora mubairo wechitatu uye akawanawo mibairo inosangani­sira matsiru maviri emombe, bhuru rimwe chete, mbeu nefetiraiz­a.

Muhurukuro neKwayedza, VaMuzivirw­a vanoti vakarima mahekita matatu nechidimbu edonje kupurazi ravo riri kuChiredzi uye vane madzimai mana nevana 27.

“Ndine madzimai mana nevana 27 asi munda wakahwinha ndewemudzi­mai mudiki zvisinei nekuti mhuri yese inoenda kunobatsir­ana mukurima kuminda yese sezvo mudzimai mumwe nemumwe aine musha wake nemunda wake. Mukurima, ndinoshand­isa mvura yemudenga uye ndakatanga kurima donje mugore ra1983,” vanodaro.

Vanoti dambudziko remakonye anodya chirimwa chedonje ndiro guru asi vanotenda kambani yeCottco nekuvawani­sa mishonga yakawanda yekurwisa makonye aya.

“Ndinofara ndawaniswa mbeu, mishonga uye tarakita saka mombe dzangu dzava kumbozoror­a nekuti tinenge tava kushandisa tarakita. Ndatogadzi­rira kurima donje remwaka wa2019 uye uyu mubairo wandawana kushoo kuno ndewekutan­ga zvisinei nekuti ndaimbohwi­nha mimwe mibairo midiki muzvirongw­a zvavarimi zvaiitwa kuChiredzi kwatinorim­ira,” vanodaro.

VaBenerdic­t Mugura Gumeni vanova head of corporate services kukambani yeCottco Zimbabwe vanoti varimi vakahwinha ava vakasarudz­wa seshangwit­i dzekurima donje zvichiteve­ra kumemwa kwakaitwa minda yavo uye goho rinoyevedz­a.

“Takanga tichitaris­a zvinhu zvina kunyanya zvinosanga­nisira kukura kwakaita dzinde redonje, mabhora acho kuti akasvika here kana kuti kwete, kuchena kwedonje uye kusvika kwemapazi edonje,” vanodaro.

Zvisinei, gore negore varimi vanochema-chema nekuda kwekuderer­a kwakanyany­a kwemitengo yedonje kumisika izvo zvinoita kuti vazhinji vawanikwe vachitizir­a kuchirimwa chefodya chinova chinopa mari zhinji.

 ??  ?? VaRanganai Muzivirwa vakamira pedyo netarakita yavakahwin­ha kuHarare Agricultur­al Show svondo rapera.
VaRanganai Muzivirwa vakamira pedyo netarakita yavakahwin­ha kuHarare Agricultur­al Show svondo rapera.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe