Kwayedza

‘Fury anokara mari’

-

ANTHONY Joshua anoti anofunga kuti Tyson Fury anotungami­dza mari pamberi apo shasha iyi ichangodzo­ka mutsiva. Fury - uyo anozivikan­wa saGypsy King mutsiva - akakunda Francesco Pianeta mwedzi wadarika kuti azopinda mumutambo uyo uchamuona achisangan­a naDeontay Wilder, mushure mekunge mutambi wekuAmeric­a uyu (Wilder) akatadza kuwirirana naJoshua kuti vagorwa vese.

Saka shasha yeIBF, WBA neWBO - Joshua - akapa mafungiro ake pamusoro paFury apo mutambi uyu achangodzo­ka mumutambo wetsiva kubva kumawere.

“Hurongwa hwaTyson Fury kuisa mari mubhanga rake chete zvichiteve­ra kupedza makore matatu asingakwik­widze,” anodaro Joshua.

“Acharamba achingotau­ra zvaanoda semazuva ese, asi mukufamba kwenguva, mheni icharova uye icharamba ichirova.”

Zvichakada­i, AJ - uyo acharwa kuchengete­dza mabhande ake kubva kuna Alexander Povetkin musi waGunyana 22 - anoramba mashoko ekuti Fury akamukunda pakutora mukana wekurwa naWilder uyo anovhundut­sa vatambi vazhinji.

“Hakusi kuti vatora chiedza chese vakaisa pamusoro pake. Zvakawanda zviripo patafura zvekuti munhu wese adye, mumafungir­o angu,” anodaro.

Kunyangwe zvake achishorop­odza maitiro aFury, Joshua anofunga kuti kurwa nemutambi uyu kuchabatsi­ra Wilder kana ahwina apo vachazenge vave kuita hurukuro dzekurwira mabhande avanavo vese mumutambo weunificat­ion.

“Ndinoziva kuti hurongwa hwake ndewekuti arwe naFury, mushure memakore matatu asingakwik­widze anozviziva kuti ane mukana mukuru wekumukund­a.

“Zvichabats­ira zvikuru kuumba zita rake zvekuti pavanozouy­a kuzokuruku­ra nesu anenge ave negumbo rakasimba rekumira naro muhurukuro,” anodaro Joshua. SportsMail Boxing

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe