Kwayedza

Juventus inotora mukombe: Messi

-

LIONEL Messi anoti Juventus inogona kuhwina mukombe weChampion­s League mwaka uno ichitadzis­a chikwata chake cheBarcelo­na zvichiteve­ra kutenga kwayakaita Cristiano Ronaldo uye achiti Real Madrid haichisina mukana.

Achitaura neRadio Catalunya pachirongw­a cheTot Costa, Messi anoti, “Real Madrid chimwe chezvikwat­a chakasimba pasi rese uye ine nevatambi vepamusoro, asi nhau yekuti Ronaldo haasisiko zvichavata­dzisa zvakawanda.

“Ronaldo ave kuJuventus saka zvave kutobatsir­a chikwata ichi kurwira mukombe uyu weChampion­s League uye nechikwata chavainach­o chakasimba zvikuru.”

Messi anobvuma kuti akashamisw­a kunzwa kuti Ronaldo aenda kunotambir­a nhabvu yake kuItaly mwaka uno achiti, “Handina kumbobvira ndazvifung­a kuti haachatamb­ire Madrid. Uye handina kumbobvira ndafunga kuti achaenda kuJuventus. Paive nezvikwata zvakwanda zvaimuda asi handina kumbofunga kuti Juventus chingave chimwe chacho. Zvakandish­amisa zvikuru.”

Achibvunzw­a kuti anogona kufunga kubva achienda kune chimwe chikwata here achisiya Barcelona - shasha iyi iyo yakambonzi inodiwa nezvimwe zvikwata zvinosanga­nisira Chelsea, Manchester City nemanchest­er United kare - inoti: “Ndine zvese zvandinoda kuno. Ndaive muchikwata ichi kubvira ndichiri nemakore 13 ekuberekwa chaiwo.

“Ndiri muchikwata chikuru pasi rese, vana vangu vakazvarir­wa kuno uye handina chekubvira ndichienda kumwe.” - SportsMail Football

 ??  ?? Lionel Messi
Lionel Messi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe