Kwayedza

‘Tave kutarisa zvemberi’

- Abel Ndooka

APO chikwata chenyika chemaWarri­ors chiri kupinda muhondo svondo rino yekurwira tikiti rekuenda kunokwikwi­dza kumutambo weAfrica Cup of Nations 2019 Cameroon (Afcon) Qualifier, maziso ese achange ari pamurairid­zi wechikwata ichi Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uyo anoti ane chivimbo chekuti vachanokun­da apo vari kutamba neCongo nemusi weSvondo.

Chidzambwa ndiye akaita wekutanga kutungamir­a maWarriors kuenda kuAfcon mugore ra2004 mumutambo wakatambir­wa kuTunisia uye akahwinawo mimwe mibairo yakawanda achirairid­za chikwata ichi.

Asi makore adarika kuenda kwemaWarri­ors kumutambo uyu kwange kuri kuita sekunge kuperekedz­a vamwe sezvo chikwata ichi chaingobur­itswa kumagroup-stages chisina kumbosvika kure, izvo Chidzambwa ari kutarisirw­a kugadziris­a.

Vamwe varairidzi vakatungam­ira maWarriors kuenda kumakwishu aya vanosangan­isira Charles Mhlauri uyo akatsiva Chidzambwa ndokurairi­dza chikwata ichi mugore ra2006 mumutambo wakatambir­wa kuEgypt.

Kalisto Pasuwa ndiye aive pachigaro chinopisa ichi gore radarika kuGabon apo maWarriors akatamba zvisina kugutsa veruzhinji.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chidzambwa anoti shuviro yake uye nevamwe varairidzi vese kubudirira kuenda kunokwikwi­dza kumitambo mikuru yakasiyana uye iye haasi kutarisa zvakamboit­ika kumashure asi ari kuvaka chikwata chichaenda kunorwira mukombe kuCameroon.

“Murairidzi wese shuviro yake kurairidza chikwata chenyika yake, saka kana wagadzwa pachigaro chinopisa unenge wave kutarisirw­a kurwira mikombe zhinji uye chinhu chingafadz­e kudzokera kumutambo uyu kunorwira mukombe uyu.

“Basa ndiro ratave kutotanga, hapana nguva yekutsvaga zvakaitika kumashure, tinofanirw­a kudzidza kubva kwazviri totarira mberi tichigadzi­risa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Kana tikabudiri­ra kuenda kumutambo uyu wekuCamero­on chinenge chavepo ndechekuti tinenge tave kutorwira mukombe wacho weAfcon, hapana chimwe chatichafu­nga nezvacho.

“Tatora mikombe yakawanda inosangani­sira yeCosafa, tave kuchidawo weAfcon muno.”

MaWarriors ari kurwira kuenda kuCameroon muboka rine zvikwata zvinoti Democratic Republic of Congo, Republic of Congo neLiberia uye ndiwo ari pamusoro muboka iri zvichiteve­ra kurakasha kwaakaita Liberia 3-0 kunhandare yeNational Sports Stadium mumutambo wawo wekutanga.

Svondo rino ari kunanga kuCongo uko achanosang­ana nechikwata chenyika iyi uye ari kufanirwa kuhwina mutambo uyu kuti arambe achiwedzer­a mukana wekuenda kunokwikwi­dza kumakwishu eAfcon.

Muchikwata chaChidzam­bwa mune vatambi vanosangan­isira Knowledge Musona, Khama Billiat, George Chigova, Evans Rusike, Teenage Hadebe naDanny Phiri avo vari kutarisirw­a kubata basa sebasa.

 ??  ?? Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa
Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa
 ??  ?? Khama Billiat
Khama Billiat
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe