Kwayedza

Tsvina: Cholera inotodzika midzi

-

ZIMBABWE panguva ino iri kushunguru­dzwa zvikuru nechirwere chemanyoka checholera, icho kusvika nemusi weChipiri svondo rino chinonzi change chakonzera rufu rwevanhu vanosvika 20 muguta reHarare bedzi uye vamwe vanodarika 2 000 vanonzi vakatobatw­a nacho kunzvimbo dziri kumativi mana enyika.

Bazi reutano nekurerwa kwevana nemamwe mapoka pari zvino vari mushishi kurwisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Cholera iyi inonzi yakatanga munzvimbo dzinosanga­nisira Budiriro neGlen View, muguta reHarare, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi vainge vanwa mvura isina kuchena yemune chimwe chibhorani cheko.

Mvura yemuchibho­rani ichi inonzi yakasangan­a neutachion­a hunokonzer­a cholera kuburikidz­a nemapombi anotakura mvura yesuweji ayo akaputika pasi.

Chirwere ichi chinonzi chatekeshe­ra kumamwe matunhu enyika anosangani­sira Chitungwiz­a, Midlands, Manicaland, Masvingo neMashonal­and Central. Vose vari kunzi vakabatwa nechirwere ichi vanonzi vainge vamboshany­ira nzvimbo dziri muHarare kunova kwakatangi­ra cholera.

Sekutaura kwemunyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, makanzuru emumadhoro­bha nemaguta anofanira kuona kuti vagari vemunzvimb­o dzavo vane mvura yekushandi­sa yakachena. Zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo pamusoro pezviratid­zo zvecholera uye nezvavanof­anira kuita kana vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere ichi.

Zvine njodzi kungonwa mvura inenge yacherwa mumatsime, zvibhorani kana papombi isina kutanga yafashaidz­wa kana kuiswa mishonga inouraya utachiona hunokonzer­a cholera.

Veruzhinji vanofanira kusiyana nekatsika kekungoten­ga zvekudya zvakaita semichero nemiriwo mumigwagwa sezvo vanenge vachiisa utano hwavo panjodzi. Zvinoshami­sa kuti dzimwe nguva unoona munhu achitenga ungave muriwo padivi pemugwagwa asi pedyo pedyo nepanenge ari pachitenge­swa muriwo uyu pachiyerer­a mvura yemasuweji — tsvina!. Kwete, veruzhinji ngavakoshe­se upenyu hwavo uye vanofanira kuziva kuti zvinhu zvakachipa zvinozovad­hurira pamberi apo kana kutora hupenyu hwavo. Pamusoro pezvo, vanhu ngavasiyan­ewo nekutenga zvekudya zvakaita sesadza munzvimbo dzisina kukodzera nekuti pane mukana mukuru wekuti vabatwe necholera. Utsanana hunofanira kuchereche­dzwa nguva dzose uyewo vanhu vorega kuitira dope neweti pose pose sezvo izvi zvichiita kuti utachiona hwecholera hupararire nekukasika.

Kune avo vanenge vari parufu, ngavasiyan­e zvakare netsika yekubatana mawoko sezvo kuita kwakadai kuine njodzi huru yekuparadz­ira utachiona hwechirwer­e ichi.

Hongu, kune vamwe vane mafungiro ekuti vakarega kumhoresan­a kana kubatana nemawoko parufu, vanozoonek­wa sevanodada zvinove zvisiri izvo.

Vanhu vanofanira kunzwisisa kuti cholera inokwanisa kuuraya mhuri yose kana ikanonoker­wa kurapwa.

Tikaita huchapa denda iri rinotopfun­ya chisero, dzimwe dzimba dzikavharw­a vanhu vapera kufa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe