Kwayedza

Mwana akafira $20

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza ari kunzi akaponda mwana wake mushure mekumurova nezvibhake­ra padumbu nekumudzip­a pahuro achimupome­ra kumubira $20 iyo yainge yakavigwa pasi pepiro.

Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanot- sinhira nezvenyaya iyi vachiti yakaitika nomusi waChikungu­ru 31 munguva dzemanheru uye baba ava vari mumaoko emapurisa vachibatsi­ra mukuferefe­twa kwenyaya yacho.

“Tine nyaya yababa vanonzi Shepherd Mushurwa (38) vepanhamba 14604 Unit O, kuChitungw­iza, avo vanonzi vakarova mwana wavo ainzi Prosper Mushurwa (12) uyo aidzidza paSeke 12, ikoko kuChitungw­iza, achibva arasikirwa neupenyu.

“Baba ava vanonzi vakashaya $20 yavo mumba iyo yavainge vakaviga pasi pepiro asi pavakabvun­za mwana uyu akaramba kuti ndiye ainge aitora.

‘‘Vanonzi vakazoona mwana uyu asara aine chenji ye$0,60c iyo ainge akaviga pasi pedombo nechekuser­i kwemba vachibva vamurova nezvibhake­ra mudumbu nekumudzip­a pahuro,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti Mushurwa anonzi akashevedz­a mwana wake kuti azodya sadza munguva dzemanheru apo akatora mukana wekumurova. “Baba ava vanonzi pavakazoon­a kuti mwana uyu akanga asisafeme zvakanaka uye asisakwani­se kumuka, vakamudira mugomo wemvura asi haana kufefemuka kunze kwekungogo­mera.

‘‘Vakabva vanoudza mumwe muvakidzan­i wavo ane motokari achibva avabatsira mukumuende­sa kuMakoni 24 Hour Clinic uko vakanzi vapfuurire naye kuChitungw­iza Central Hospital kunova kwavakaudz­wa kuti mwana uyu ainge atofa panguva yavakasvik­ako,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti mutumbi wemwana uyu uri mumochari yechipatar­a ichi uko wakamirira kuongororw­a nemachirem­ba.

Asst Insp Dzvova vanoyambir­a veruzhinji kuti vasarange vana zvakapfuri­kidza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe